Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change riri kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti iwedzere nguva yekuti vanhu vakwanise kunyoresa kuvhota pachirongwa chayo chekuenda pedyo nedzimba dzevanhu kanakuti mobile registration exercise sezvo paine zvimhingamupinyi zvakawanda.
Chirongwa chekunyoresa kuvhota ichi chakatanga musi wa12 Kurume uye chirikutarisirwa kupetwa musi wa21 Kurume.
Vachitaura nevatori nhau nhasi muHarare , vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo mubato reCCC, Amai Ellen Shiriyedenga vati chirongwa ichi chirikuvhiringidzwa nematambudziko akawanda.
Mukuru wesangano rakazvimiririra reZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde Vava vaudza Studio 7 kuti havana kupiwa mvumo yekuongorora chirongwa chekunyoreswa kuvhota ichi asi vakatsigira kuti zvakakosha kuti nguva iwedzerwe.
Mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko muMDC T VaChengetai Guta vati vachazopa kurudziro yavo pakupetwa kwechirongwa.
Hatina kukwanisawo kunzwa kubva kubato ririkutonga reZanu PF sezvo tatadza kubata mushandi mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko vaTafadzwa Mugwadi pamwe nemutauiri webato iri VaChristopher Mutsvangwa.
Hatina kukwanisa kunzwa divi reZEC panyaya iyi sezvo sachigaro wekomisheni iyi Amai Priscilla Chigumba vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mumashoko kuvatori venhau, ZEC yakatenda kuti iri kusangana nematambudziko zvikuru ekushaikwa kwemagetsi.
Zvichakadaro mutauriri weTripple C Muzvare Fadzayi Mahere vati bato ravo harisati ratanga kusarudzaa vacharimiririra mubato.
Your browser doesn’t support HTML5