Hurombo Hwopa Kuti Vana Vasati Vabva Zera Vashande Kuriritira Vamwe Vana

Kuwoma kuri kuramba kuchiita hupenyu muZimbabwe, kunyanya hwevanogara kumaruwa, nekuda kwemamiriro ehupfumi hwenyika, kwakonzeresa zvakaipa zvakawanda kune vechidiki, zvinosanganisira kushandiswa kwevana kuriritira mhuri. Vana vanoonekwa panzvimbo zhinji vachitengesa zvakasiyana-siyana, kana kuti vachishanda muminda kwenguva dzakarebesa, izvi zvinokonzera kuti vana ava vafoire muzvidzidzo zvavo, sezvo vachiwana nguva shoma nemabhuku, uye zvinokanganisawo makuriro avo.

Mazuvano muZimbabwe hazvishamisi kuona vana vanofanira kunge vachienda kuchikoro, vachifondoka nebadza mumunda kana kutengesa mumigwagwa kana pamagirosa, panguva yavanofanira kunge vachidzidza.

Vamwe vevabereki vevana ava vanenge vachiti vana vanofanira kubatsirawo kuunza mari mumba inoraramisa mhuri sezvo zvinhu zvakaoma.

Mumwe murume wechidiki anogara muHarare, va Vincent Kashiri, vanoti havaoni chakaipa kuti mwana abatsire vabereki kuwedzera mashereni anodiwa kuriritira mhuri. VaKashiri vanoti, ‘Kazhinji kacho munozoona kuti pane pamwe panosvika kuti mhuri haisi kugona kuriritira munhu wese zvakaringana, ipapo ndipo patinozoona vabereki vachitora mwana vomuti enda unotengesa mabanana kana zvihwitsi, kuti zvinhu zviite.’

Asi Amai Maud Chishumba, mudzimai wechikuru wekwaMurewa, vanopokana nemuono uyu. Vanoti vabereki ngavarege kushandisa vana sembongoro, sezvo izvi zvichizokanganisa zvidzidzo zvevana ava.

Amai Chishumba vanoti, “Semubereki, ini ndinoona sekuti nguva zhinji yemwana ngaiperere muchikoro.” Vaenderera mberi vachiti, “Ibasa rangu ini semubereki kuchengeta mwana nguva dzese. Kana tichinge tava kuvatuma kuita mabasa anenge kurima nekutengesa, tava kubvisa nguva yavanofanira kunge vachiverenga, vachigadzirira ramangwana ravo. Dai zvichibvira, hurumende yabatsira kuti vana vaende muzvikoro uye vabereki vasatarisira zvakanyanya kuvana, kungava muminda kana mamwe mabasa emaoko enenge kutengesa, anovabvisa pabasa ravo rekuverenga.”

Nyanzvi munyaya dzezvemishando, VaSamson Mugumisi vanoti mitemo yenyika haitenderi kuti vana vange vachishandiswa zvakapfurikidza mwero, kunyanya nenzira inokanganisa dzidzo yavo.

VaMugumisi vati, “Imhosva chero kunani, kushandisa vana sevashandi.’ Vaenderera mberi vachitiwo, “Bumbiro remutemo rinocherechedza kodzero dzevana panyanya iyi muSection 81. Labour Act muSection 11, inoti imhosva kushandisa mwana ari pasi pemakore gumi nematanhatu, kunze kwekuti kana basa iri riri pasi pehurongwa hwedzidzo yake. Children’s Act inotsinhirawo kuti vana havafaniri kuitiswa mabasa anozovashaisa mukana wekudzidza. Izvi zvinoreva kuti kana vabereki vanogona kubatwa nemhosva kana vachipa vana mabasa panguva yavanofanira kunge vachienda kuzvikoro. Tinomboona zvekare vamwe vechikuru vanorarama nehurema vachitora vana voenda navo mumigwagwa kunopemha, zvinozoshaisa vana ava mikana yekuenda kuchikoro; iyi imhosva.”

Mambo Mupamombe vekuNgezi vanoti kunyange hazvo vana vasingafaniri kushandiswa kuriritira mhuri, izvi hazvirevi kuti vanofanirwa kurerwa semazai. Vati, “Ichokwadi kuti vana vasati vabva zera havafaniri kushandiswa zvinodarikidza mwero.”

Mambo Mupamombe vaenderera mberi vachiti, “Asi kutaura chokwadi, tikarera vana tichiramba kuti vashande, tinenge tichiuraya vana nokuti vamwe zvinozokura zviri munyama mavo. Idzo kodzero dzakadai kuuya idzi dzakauraya vana vakawanda, vana vakawanda vari kutambura nokuti vanenge vave kungozvidhedhekedza, vachiramba kushanda, vachiona sekuti vari kubatirirwa nevabereki. Tsika dzedu hadzirambidzi vana kushanda. Asiwo ingaita marii iyoyo inganzi mwana angashanda zvekuti ini semubereki ndinotogara kumba ndichiti mwana achauya nemari? Zvekare, vana vanogona kunofudza mombe nekusakura nekuitiswa mabasa akasiyanasiyana, vabereki vakagara kumba- izvozvo hatizvikurudziri nekuti chero kuchivanhu hakuna zvinhu zvakadaro.”

Mufundisi, zvekare vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevana re Zimbabwe National Council for the Welfare of Children, VaTaylor Nyanhete, vanoti, “Kushanda kwevana mudzimhuri nemumapurazi kuri kuitika nekuti vamwe vabereki vanodavira kuti mwana anofanira kushanda kuitira kuti kana akura azogona kuita basa. “ Vatiwo, “Chisinganzwisisi vabereki ndechekuti kunyange mwana achifanira kushanda, kushanda uku hakufaniri kukanganisa kodzero dzake. Kushanda uku kwakaomarara kunogona kusanganisira kurima, kushanda nemishonga inogona kukanganisa kukura kwake, uye kutakura mitoro inogona kukanganisa kukura kwakwe zvekare.”

Asi mutevedzeri wemukuru wechikamu chinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rezvevashandi vehurumende pamwechete nezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, VaLangton Ngorima vanoti, hurumende iripo kubatsira mhuri dzinotadza kuwana zvikwanisiro zvinoringana, pane kuti vana vadiki vashandiswe zvakapfurikidza, senzira yekuda kuwedzera mari mumba.

VaNgorima vati, “Tinoti regai dzive shiri, mazai haana muto.” Vaenderera mberi vachiti, “Vana, vana, uye havafaniri kushanda. Kana mhuri ichiona kuti haikwanisi kuwana chouviri chinoibatsira, vopedzisira voshandisa vana kuti vakwanise kubatsira kuriritira mhuri, rinova basa revanhu vakuru, hurumende irikuti kwete. Tine hurongwa hwatinahwo munzvimbo dzese dzinogara vanhu dzinogona kuvabatsira, kana vakaona veChild Protection. Kana kuri kuti havana mari dzechikoro, ndivo vanhu vanokodzera kuenda paBeam. Kana kuri kuti hapana chikafu, pane maProgrammes eFood Mitigation aripo kuvabatsira. Zvekare, kana kuri kuti pane zvimwe zviri kunetsa, kune hurongwa hwakafanana naana Harmonised Cash Transfer kwavanopiwa twumari. Zvese izvi zviripo kuitira kuti vabereki vasaisa vana muhunhapwa hwekushandiswa basa rinofanira kuti riitwe nevanhu vakuru, uye vasambunyikidza kodzero dzevana.”

Mukuru wezvekufambiswa kwemashoko mubazi rezvedzidzo ye Primary ne Secondary, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti vabereki vanofanira kuona kuti vana vose vari zera rekunge vachienda kuchikoro, vanoenda kunodzidza pasina zvimhingamipinyi.

Dzimwe nyanzvi dzinowongorora nyaya dzevechidiki dzinoti kana hupfumi hwenyika hukagadziriswa, dambudziko riri kusangana nevana iri, rinogona kupera.

Pasi pemutemo uri kugadzirwa we Child Protection Bill, hurumende inoti vabereki vanako kusungwa vakaramba vachimbunyikidza kodzero dzevana nemutowo uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa