Bhanga Guru reR-B-Z Rinonzi Rave Kuferefeta VaUebert Angel naVaEwan MacMillan Pamusoro pePfuma Yavo

  • Jonga Kandemiiri

RBZ Investigation

Boka rebhanga guru renyika reRBZ rinoferefeta mafambisirwo emari, reFinancial Intelligence Unit, FIU, rinonzi riri kuferefeta VaUebert Mudzanire vanozvikanwa zvakare saVaUebert Angel, pamwe nemumwe muzvinabhizimusi wechichena anonzi VaEwan MacMillan.

Vaviri ava vanonzi vamwe vevanhu vanosanganisira vakuru muhurumende vari muvhidhiyo rinonzi riri kupabura huwori huri kuitika munyika pakuburitswa kwegoridhe kubva munyika zvisiri pamutemo riri kutarisirwa kuburitswa neAl Jazeera nemusi weChina.

Gwaro raburitswa nekomisheni inoona nezvemari dzemudyandigere, yeInsurance and Pensions Commission rakasainwa nakomishina Amai Grace Muradzikwa, richinyorerwa makambani emudyandigere rinoti komisheni iyi iri kuda kuziva pamusoro pepfuma yevaviri ava sehurongwa hwekuvaferefeta pasi pemutemo wekudzivirira kufambiswa kwemari zviri kunze kwemutemo.

Rinoti komisheni iyi inosungirwa nemutemo weMoney Laundering and Proceeds of Crime Act (Chapter 9-24) kuti ishande pamwe neFinancial Intelligence Unit mukuongorora nyaya dzekufambiswa kwemari zviri kunze kwemutemo nekudzivirirwa kwekuwaniswa kwemari kumagandanga, izvo zvinonzi zvinogona kuisa nyika munjodzi.

Gwaro rekomisheni iri rinotiwo humbowo huri kutsvagwa hunotangira musi wa 01 Ndira, 2020 kusvika musi wa21 Kurume 2023, uye humbowo uhu hunonzi huchange hwakachengetedzwa zvinoenderana nechikamu 31 cheMLPC Act.

VaAngel mumiriri weZimbabwe kunyika dzekuEurope neAmerica, vari nhumwa yakakosha yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, uye vari mukuru wekereke yeSpirit Embassy, iri kuBritain.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaAngel kanawo VaMacMillan kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.