Vamwe Vatori Venhau VeZBC neHerald Vokwikwidza Musarudzo dzeZanu-PF neMugovera

VaMike Bimha - ZANU PF

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato reZanu PF musarudzo dzegore rino, kana kuti primary elections dzichaitwa nemusi weMugovera kunyangwe pota mutauro nezvevamwee vatori venhau vari kukwikwidza musarudzo idzi.

Murongi wemisangano muZanu-PF VaMike Bimha, vaudza vatori venhau kuti vachakwikwidza vakamirira bato iri musarudzo dzenyika dziri kutarisirwa gore rino vachasarudzwa musi wa25 Kurume.

VaBimha vatiwo vakatambira magwaro akawandawo kubva kuvatori venhau kana kuti maCVs vari kuda kukwikwidza musarudzo idzi. Vanzi vari kuda kukwikwidzza vanosanganisira

Asi izvi zvashorwa nemumwe wevakafaanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) VaFelix Mafa.

VaBimha vati bato ravo ratumira nhume dzePolitburo kunozivisa kumatunhu akasiyana siyana avo vabudirira kuti vapinde musarudzo dzemaPrimary Election idzi.

Vaenderarawo mberi vachiti bato reZanu PF rakabvumiranawo kuti avo vakabva kumapato anopikisa vachienda kuZanuPF vakwikwidze mumaprimary elections emakanzuru nenhengo dzedare reparamende chete.

Nyanzvi munezvematongerwo enyika VaStanford Nyatsanza vatiwo bato reZanu rave mberi kune mamwe mapato mukugadzirira sarudzo.

Asi vatiwo vanokatyamadzwa kuti vatori venhau vakanyorera kuratidza chido chekukwikwidza mukutsvaga vamiririri vebato reZanu Pf vachiri pamabasa.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vekambani yeZimbabwe Broadcasting Cooperation neZimpapers kuti tinzwe nezvenyaya yevatori venhau vari kukwikwidza ava.

Asi mukuru weZimbabwe National Editors Forum vaNjabulo Ncube vaudza Studio 7 kuti tarisiro yavo ndeyekuti vatori venhau vanoda kukwikwidza vasiye mabasa .

VaBimha vati vazhinji vakaratidza chido chekumiririra bato reZanuPF vakabudirira vachiti vashoma shoma ndivo vakarambidzwa.

Mumwe wevakarambirwa ndi VaKudakwashe Damson vachipomerwa mhosva yekuvhiringa vashandi veZimbabwe Electoral Commission avo vaidzidzisa vanhu nezvekunyoresa kuvhota kuEpworth.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaDamson kana kuziva vamwe vasina kubudirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere