Mapato eZvematongerwo eNyika Ogadzirira Kusarudza Vachapinda muSarudzo dzeGore Rino, Zanu PF Ichiita maPrimary Ayo Svondo Rino

  • Jonga Kandemiiri

Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha.

Mapato ezvematongerwo enyika atarisana nekusarudza nhengo dzichapinda musarudzo dzegore rino, kana kuti ma primary election, asi achisiyana panzira dzekushara vachaamirira.

Bato reZanu PF riri kuita sarudzo dzaro dzema primary mukupera kwesvondo rino nhengo dzebato iri dzichisarudza vadzinoda nyika yose, avo vachazokwikwidza vachimirira bato iri musarudzo.

Ukuwo, bato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, rakatozivisa kare kuti rwendo rwuno harisi kuzoita sarudzo dzema primary, asi kuti richashandisa nzira itsva yekusarudza nayo vacharimirira musarudzo kuburikidza nevanhu vemunharaunda.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostalos Siziba, vaudza Studio 7 kuti vanhu vemunharaunda kusanganisira madzishe nemasabhuku ndivo vachadoma vavanoziva kuti vanokodzera kuti vavamirire musarudzo, kwete vanobva kunze vanoshandisa mari.

VaGift Ostallos Siziba vebato reCCC.

Bato reMDC rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora rakazivisawo kare kuti richaita sarudzo dzema primary munguva pfumi iri kutevera.

Asi mubvunzo mukuru uri pakuti nzira dzichasnadiswa nemapato kutsvaga vachapinda musarudzo idzi dzine gutsaruzhinji here?

Nhengo yeZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu.vanoti bato reZanu PF riri kutsvaga vacharimirira musarudzo kuburikidza nekuenda kuma primary election, vachiti iyi ndiyo chete nzira inoratidza gutsaruzhinji.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti zvinozivikanwa nemunhu wese kuti Zanu PF haisati yamboita sarudzo dzekutsvaga vanoimirira musarudzo dzinotambirwa nemumhu wese.

Vachipa muenzaniso, Doctor Zembe vanoti kubva paumbwa Zanu PF muna 1963, mubato iri hamuna kumboitwa sarudzo dzejekerere, vachiti munguva yaVaRobert Mugabe kusvika nhasi pave naVaEmmerson Mnangagwa, mutunganiri webato haasati ambokwikwidzwa.

Vachipindura, VaChirumhanzu vanoti zvinonetsa kuti kuti vanhu vasiri veZanu PF vanzwisise zvinoitika mubato iri kunze kwekunge vaverenga bumbiro remitemo rebato iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukruo naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naDoctor Urayayi Zembe