Bato riri kutonga reZanu PF nhasi raita sarudzo dzemaPrimary mune mamwe matunhu emunyika, uko sarudzo idzi dzinonzi dzafamba zvakanaka kunyange hazvo pamboita matambudiziko pano nepapo.
Studio7 yaongorora nzvimbo dzakawanda muHarare kusanganisira Mbare, Mabvuku, Harare South, Churu nedzimwe, uye vanhu vange vachivhota murunyararo.
KuMbare nedzimwe nzvimbo mapepa ekuvhotesa kana kuti Balllot Papers anonoka kusvika kunzvimbo dzekuvhotera izvo zvatsamwisa vavhoti..
Kana kuHarare South, VaTrymore Chikukumende vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvafamba zvakanaka kunyange hazvo pamboita dambudziko rekuti vamwe vange vasina zvakakwana
Amai Joice Mamupere vekuEpworth vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvafamba zvakanaka asi havana kufara kuti mapepa ekuvhotesa anonoka kuuya
KuMabvuku vamwe vari kukwikwidza musarudzo dzemakanzura mu Ward 21, VaPritchard Sibanda naVaTichaona Manhanzva, vaudza Studio 7 kuti vachamira nezvabuda musarudzo.
VaManhanzva vaudza Studio7 kuti kana vakakunda vachagadzirisa zvinhu kuMabvuku.
Mumwe wevavhota kuMabvuku, Brenna Msiska, uyo akambotambira Chikwata chenhabvu che CAPS United, audza Studio7 kuti zvakakosha kuti vanhu vavhote kuitira kugadzirisa zvinhu munyika.
Asi kune imwe nzvimbo yekuvhotera ku Emganwini mu Ward 26 kuBulawayo, kune vanhu zana vanonzi vatadza kuvhota mushure mekunge vanzi mazita avo haasi kuwanikwa mugwaro revavhoti, kunyange hazvo vanhu ava vanga vachizviti inhengo dzeZanu PF dzizere.
Mutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa vati kunonoka kusvika kwemagwaro ekuvhotesa kuMashonaland West kunogona kuita kuti vanhu vose vasakwanisa kuvhota neMugovera.
Vatiwo bato ravo ratambira zvichemo zvenhengo dzavo zvakasiyanasiyana uye vaudza Studio 7 kuti munhu wese achavhota.
Zanu PF yaita sarudzo dzekutsvaga vachaimiirira musarudzo dzenyika yese munaNyamavhuvhu mumatunhu masere enyika nhasi, uye sarudzo idzi dzichaitwa kumatunhu eMasvingo neMidlands neSvondo.
Zvichabuda musarudzo idzi hazvisati zvaziviswa kuti zvichaziviswa kune veruzhinji riinhi.