Amai Kamala Harris Votsidza Kubatsira Ghana neAfrica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris nhasi vazivisa kuti nyika yavo ichapa Ghana mari inosvika zana nemakumi matatu nemapfumbamwe kana kuti US$139 million yekushandisa mukusimudzira hupfumi hwayo iyi nezvimwe zvirongwa.

Vaenderera mmeri vachiti nyika yavo yakazvipira kudyidzana nenyika dzemuAfrica zviri pachena zvichibatsira mativi ose.

Vataura izvi pamusangano wavaita muGhana vari pamwechete nemutungamiri wenyika iyi VaNana Akufo-Addo apo vange vachitaura nevatori venhau.

Amai Harris vari kutarisirwa kushanyira zvirongwa zviri kuitwa nevechidiki nemadzimai munyika iyi.

VaAkufo-Addo varumbidza America nedanho rairi kutora rekusimbaradza hukana hwayo neAfrica. Kushanya kwaAmai Harris kunouya panguva iyo dzimwe nyika dzakaita seRussia ne China dziri kutumirawo nhumwa kuAfrica kuno simbaradza hukama

Doctor Gadziro Gwekwerere

Amai Harris vari kutarisirwa kushanyira Tanzania neZambia asi havasi kusvika kuZimbabwe.

Muongorori wenhau dzezve matongerwo enyika Muzvinafundo Gadziro Gwekwerere vanoti shuwiro yavo ndeyekuti Zimbabwe iwanewo nhumwa dzakita saAmai Harris dzinouya nemari yebudiriro.

"Tiri kutarisira kuti vashanyi vakadayi vasvikewo kuZimbabwe munguva inotevera sezvo vachiuya vaine mari dzinokwanisa kusimudzira zvimwe zvirongwa zvemunyika,"Muzvinafundo vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gadziro Gwekwerere