VaTrump Voenda Kunozvipira kuDare remuNew York

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Ndege yaVaDonald Trump

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vasvika kuNew York uko vari kupomerwa mhosva dzinodarika makumi matatu kusanganisirawo yekubhadhara mamwe madzimai mari yevharamuromo mushure mekuita zvepabonde navo muna 2016. VaTrump vange vachibva kumba kwavo kuMar-a-Lago, Florida.

VaDonald Trump

Vaperekedzwa nemotokari dzakawanda kuenda kunhandare yendege uko vaenda kunokwira ndege yavo. VaTrump vanonzi vakashandisa mari dzaibva kuvanhu dzaifanira kushandiswa musarudzo chete kubhadhara madzimai aya mari. Asi vari kuramba mhosva idzi vachiti kusungwa kwavo kune chekuita nezvematongerwo enyika.

VatsigirivaVaDonald Trump vari kuNew York

Vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neChipiri uye vamwe vatsigiri vavo vange vachiratidzira vachiti havasi kufare nekusungwa kwavo. Asi matare emuNew York anoti munhu anomira nemhosva yake uye havatarise kuti wabuda mumba maani.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika zvinoratidza kuti America ine hutongo hwejekerere uye hapana ari pamusoro wemutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Kennedy Masiye