Ko Ndivanani Vakanda Mazita Mudariro Musarudzo dzeCCC?

Sarudzo dzeCCC kuMasvingo

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti riri kufara nesarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo.

KuGutu Central mukuru webepanhau reMasvingo Mirror uye aimbova mukuru wesangano revatori renhau Zimbabwe Union of Journalists VaMathew Takaona vaisa mapepa avo pamwe naVaOliver Chirume naVaRussel Mugege.

Vamwe vakanda mapepa avo vanosanganisa VaTendai Biti kuHarare East, Muzvare Johane Mamombe Harare West uye Va Charton Hwende kuKuwadzana East.

KuBulawayo mutevedzeri wemutauririri weCCC, VaOstallos Siziba vaisa mapepa avo kuTshabalala Central , VaPromise Mkananzi kuLobengula-Magwegwe uye Amai Thokozani Khupe vaisa kuCowadry Park.

Bato reCitizens Coalition for Change(CCC) rinoti chorongwa chavo chekutsvaga vachamirira bato musarudzo dzegore rino munyika chekutambira mazita chafamba zvakanaka uye chaitwa murunyararo kunyange kune dzimwe nzvimbo chanonoka kutanga vanhu vakamirira mapepa ekunyoresa vatungamiriri izvo zvaita kuti kumwe kuite kunetsana. nyaya inotevera.

Bato reCCC ratanga chirongwa chekusarudza vachamirira bato ravo pasarudzo dzegore rino avo vachazotatsurana nemamwe mapato akaita seZanu PF neMDC Alliance pazvigaro zvema kanzura, nhengo dzeParamende pamwe neSenate uye vemukanzuru ematunhu ose munyika. Mutevedzeri wemunyori mubazi rinoona nezvesarudzo muCCC, Amai Ellen Shiriyedenga vati chirongwa chavo chafamba zvakanaka uye chaitwa murunyararo munzvimbo dzakawanda munyika.

Mutungamiriri weCCC, VaChamisa vakasarudzwa nematunhu ose pasina kukwikwidza nekudaro ndivo vanenge vachimirira bato ravo pasarudzo dzemutungamiriri wenyika.

Kudunhu reMidlands kunonzi chirongwa ichi chafamba zvakanaka vamwe varik uda kudzoka kuzomirira bato ravo kuMkoba North, VaAmos Chibaya vachiti vanotarisira kukunda zvine mutsindo.

MuMasvingo Urban mange muine makundano akakura apo vari kuda kukwikwidza vanosanganisira gweta, VaMartin Mureri vange vachitatsurana naMeya weguta VaCollen Maboke pamwe nevamwe vakawanda. CaMaboke vati vanotarisira kubudirira.

Zvichakadaro kune dzimwe nzvimbo dzakaita sekwaGutu kwaMpandawana mumwe mutsigiri webato iri VaEdward Chagona vanoti kwamboita kunetsana apo vamwe vatsigiri vange vachinyunyuta nekunonoka kusvika kwemapepa ekusarudza vanhu.

Mhirizhonga inonzi yaitikawo kunzvimbo dzakaita seGlen Norah, Kuwadzana neDzivarasekwa kuHarare uko kunonzi vamwe vange voti vange vachimanikidzirwa kutsigira vanhu vavasingadi. Asi Amai Shiriyedenga vati kunetsana uku kwakonzerwa nekunonoka kusvika kwemapepa munzvimbo shoma asi zvagadziriswa nechimbi chimbi.

Mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati kunetsana kwaitika uku kunoratidza kuti chirongwa ichi hachina kufamba zvakanaka.

Asi vachipindura, vakafanobata chigaro chemutauriri webato reTripple C kuBulawayo VaSwitern Chiroodza vapomera Zanu-PF mhosva yekuda kuvhiringidza hurongwa hwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba