Kushaikwa kweMagetsi Kokanganisa Mabasa eVamwe Vechidiki Asi Vamwe Vachiti Mukana Wekuita Mari

Rumbidzai Matonga ku Shepton Estates in Chegutu

Kushaikwa kwemagetsi kwenguva yakareba pazuva rega rega kuri kuvhiringa vechidiki vakawanda vachangopinda munyaya dzemabhizinesi akasiyana siyana. Mutori wedu wenhau, Tobias Mudzingwa, uyo ari muHarare, anotipa nyaya inotevera.

Vechidiki vakawanda unonzwa vachiti "Magetsi mu Zimbabwe, kudhara ikoko". Uku kunenge kuri kutaura kwekugumirwa kwavanenge vachiita, mushure mekuona kuti nyaya yemagetsi inoratidza kuti yatadza kugadzirisika munyika.

Mumwe murume wechidiki anozviitira mabasa emaoko muHarare, VaVuso Mhlanga, vanoti ivo nevamwe vavo vari panguva yakaoma nekuda kwekushaikwa kwemagetsi.

Vati, “Dambudziko rekuenda kwemagetsi ratishungurudza sevechidiki vachangotanga mabhizimusi.” Vaaenderera mberi vachiti, “Mabasa emaoko akaita seekusona, kuveza kana zvekubatanidza simbi, anoda magetsi; naizvozvo kusawanika kwawo kunoita kuti basa redu ridzokere kumashure. Vechidiki vanoda kubatsirwa kuwaniswa dzimwe mhando dzemoto dzinokwanisa kuti mabasa avo akwanise kuenderera mberi.”

Murimi wechidiki wepaShepton Estates iri muChegutu, Muzvare Rumbidzai Matonga, vanoti kushomeka kwemagetsi kwauraya bhizimusi ravo zvakanyanya sezvo vasisakwanisi kuwedzera nzvimbo yekurima nemadiridziro anoda magetsi.

Muzvare Matonga vati, “Ini semurimi ndinenge ndichida kudiridzira ndichishandisa chibhorani chemagetsi, asi takatoona kuti hapana chinobuda nemagetsi, naizvozvo tava kushandisa solar.”

Vaenderera mberi vachiti, “Asi solar inonetsa pakuti haikwanisi kuti tidiridze nguva yatinoda nekuti dzimwe nguva kunenge kusina zuva, uye tinoda kudiridza nemanheru, sezvo pump yedu iri diki. Saka madomasi andiri kurima anogona kutadza kuita zvakanaka. Zvinoreva kuti tava kufanira kutanga tatenga imwe solar yakasimba nokuti hatisi kukwanisa kuwedzera nzvimbo yekurima, uye kudyara zvimwe zvirimwa, nekuti nzvimbo yatinokwanisa kudiridzira neSolar idiki.”

VaTaonashe Chinguruve

Murwiri wekodzero dzevechidiki, VaTaonashe Chinguruve, vanoti kushaikwa kwemagetsi kuri kudzorera mabhizinesi evechidiki kumashure. Vati, “Kuenda kwemagetsi kuri kudzosera pundutso yenyika, neyedu vechidiki, kumashure nekuti magetsi ari kuuraya twumari twushoma twatinenge taisa mumabhizimusi edu. Kune vanotengesa nyama, vari kuworerwa nenyama, mari yotorasika

Muzvare Chinguruve vatiwo, Vanoitawo zvekubika, vave kubika mbodza nekuti magetsi anongoenda, uye pasina tarisiro yekuti anodzoka nguvai. Vanosona havasi kukwanisawo kuita zvinhu zvavo nenguva. “ Isu sevechidiki hatizokwanisi kutenga dzimwe mhando dzemoto dzakafanana nemaGenerator nemaSolar nekuti zvinenge zvichidhura.”

Munyori mukuru muZimbabwe Council of Churches, iyo rinoshandawo nevechidiki, Mufundisi Wilfred Dimingu, vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho akakodzera kuitira kuti vechidiki vakwanise kushanda zviri nyore.

Vati, “Isu seboka reZimbabwe Council of Churches tinoshanda nevechidiki uye tinovakurudzira kuita mabasa emaoko” VaDimigu vatiwo, “ Asi tiri kuona vachisangana nedambudziko rekushaika kwemagetsi, zvinoita kuti zvavanoda kushandisa zvizhinji, zvitadze kushanda. Tinovakurudzira kuti vashandise dzimwe mhando dzemagetsi dzinosanganisira maSolar nemaGenerator, asi tinoziva kuti mhando idzi dzinodhura. Saka kurudziro yedu iri kuhurumende, kuti ngaigadzirise kuti magetsi awanike, vechidiki vedu vakwanisewo kubatsira kukudza hupfumi hwenyika uye kuzvipundutsawo kubva mukushanda kwavo.”

Asi havasi vese vari kuzhamba nekuenda kwemagetsi. Murume wechidiki, anogara kuHarare South, VaTonderai Nhandara, vanoti vanowana cheuviri kana pasina magetsi munyika.

VaTonderai Nhandara - Harare South

VaNhandara vati, “Ini hazvisi kumbondikanganisa, asi kuti zviri kutondiitira zvakanaka nekuti kuenda kwemagetsi, kuwandawo nekusimukira kwebasa rangu rekuisira vanhu magetsi eSolar.” Vaenderera mberi vachiti, “Loadshedding ikange isiko ndinotoshaya mari saka ndiri kufara nekuenda kuri kuita magetsi, dai aramba achienda chaizvo.”

Munyori webazi rezvemhando dzemoto, Doctor Gloria Magombo, havana kuda kutaura nezvedambudziko remagetsi munyika. Doctor Magombo, “Munotanga maenda kuna Service Provider nekuti ndiye anodyidzana nevatengi zvakanyanya. Ndiye anenge achiziva zvinenge zvichinetsa.”

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuvakuru vekambani inoona nezvemagetsi ye ZESA.

Asi gurukota rezvemaindasitiri, Amai Sekesai Nzenza, vaudza Studio 7 kuti nguva nenguva, vanokurukura negurukota rezvemhando dzemoto vachitsaga nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaChristopher Mugaga, vanoti kushaikwa kwemagetsi kunovhiringa hupfumi hwenyika.

VaKazembe Kazembe

VaMugaga vati, “Magetsi arikufanira kunge achibikwa akawanda kudarika ari kubikwa parizvino nokuti kushaikwa kwegwenya idambudziko guru kunyanya kumabhizimusi echidiki anenge achiri kusimukira.”

Vatizve “Homwe dzemabhizimusi aya dzinenge dziri diki zvekuti vatsvage dzimwe mhando dzemoto; mukatarisa mutengo wedhiziri kana generator kana solar, zvakakwira chose. Ivo vechidiki vakada kuenda kumabhanga kunotora zvikwereti zvekusimudzira mabhizimusi avo, vanogona kutadza kudzorera mari idzodzo nokuti nguva zhinji yavanofanira kunge vachishanda kuti vakwanise kudzosera zvikwereti, havana chavari kuita nekuda kwekushaya magetsi. Saka nyaya hombe ndeyekuwedzera magetsi.”

Zimbabwe inoda magetsi anosvika 1 700 megawatts pazuva kuti igutse zvose zvinoda kushandisa magetsi munyika. Asi nyanzvi dzemagetsi dzinoti nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira chikwereti chemagetsi chinodarika mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica, kuchembera kwemagwenya emagetsi pamwe nehuori, Zimbabwe iri kutadza kuwana magetsi anoikwanira pazuva.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa