CCC Inoti Vane Mangoromera Havasi Kuzomirira Bato Iri Musarudzo

CCC Nominations - Bulawayo

Bato reCitizens Coalition for Change rinoti vose vakakonzeresa mhirizhonga nezuro paidomwa vachakwikwidza vakamirira bato iri musarudzo dzegore rino havasi kuzobvumidzwa kukwikwidza vakamirira bato reCCC.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti pane mhirizhonga inonzi yakaitika mune dzimwe nzvimbo paidomwa vanhu ava.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vati vose vakakonzera mhirizhonga havasi kuzobvumidzwa kukwidza vakamirira bato ravo.

Nyaya yemhirizhonga yakaitika mune dzimwe nzvimbo dzakaita seHarare neBulawayo yashorwa nevanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurai Togarepi avo vati zviri kuitwa mubato reCCC madzanambwanana.

Asi kunyangwe VaTogarepi vari kushora zviri kutika muCCC vamwe vanoti mubato ravo reZanu-PF makaitawo makaitikawo mhirizhonga zvakapa kuti vamwe vagume varambidza kukwikwidza uye vamwe vanoti sarudzo dzacho dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Asi kunyangwe kuine vamwe vari kudunun’una nezvesarudzo dzeCCC, mumwe ati ari kufara nezvakabuda ndiAlderman Albert Chirau vekuMkoba North vari kukwikwidza nevakafanobata chigaro chemurongi wemabasa mubato iri VaAmos Chibaya.

VaSolomon Bobosibunu , avo vanoshanda nesangano reElection Resource Centre, vatiwo zvakakosha kuti mapato nenyika zviite sarudzo dzakachena kuti munyika muve nekugadzikana.

Zvichakadaro, vari kutaura vakamirira komiti iri kutungamira kudomwa kuri kuitwa vachakwikwidza vakamirira CCC iri kudaidzwa kuti Citizens Independent Selection Panel, VaShepherd Ngandu, vati komiti yavo yavo ichaongorora zvichemo zveavo vanenge vasvitsa zvichemo pakufambiswa kwekudomwa kwevachakwikwidza musarudzo vakamirira bato iri.

VaNgandu avo vazivisa mazita evanhu vashomanana vakadomwa kuti vakwikwidze vakamirira CCC mumatunhu akasiyana-siyana vati zvakawanda vachazvizivisa nekufamba kwenguva sezvo vachiti komiti yavo ichiri mubishi kutambira zvakabuda mukudomwa kwevanhu ava nezuro.

Asi mashoko atiri kutambira anoti mwana wevaimbova mutungamiri weMDC, VaMorgan

Tsvangirai, VaRichard Tsvangirai, vanonzi vakadomwa kuti vakwikwidze vakamirira CCC musarudzo dzeparamende kuNorton uye mwana wemumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, avo vave kuda kusvitsa gore vari mujeri nenyaya dzezvematongerwo enyika, Job Sikhala Jnr, anonzi akadomwawo kuti akwikwidze munzvimbo iri kumirirwa nababa vake sezvo zvisati zvazivikanwa kuti VaSikhala vachange vabuda mujeri here pachazoitwa sarudzo.

Muzvare Mahere vazivisawo kuti vamwe vakadomwa kuti vakwikwidze vakamirira bato ravo vachaziviswa neChipiri svondo rinouya mushure mezorororo rePasika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Frank Chikowore