Hurumende iri kukurudzirwa kuti ipe madzimai mapiritsi ekuronga mhuri pachena mushure mekunge kanzuru yeChitungwiza yati madzimai auye kuzotota pachena mamwe mapiritsi akadai sezvo ave kusda kusvika pazuva rakatarwa kuti ange ashandiswa kana kuti oraswa.
Mapiritsi aya anotengeswa nemadhora manomwe ekuAmerica kana kuti US$7 achishanda kwemwedzi miviri.
Mukuru wesangano reWomens Action Group Amai Edna Masiiwa vanoti vanhu vasati vapihwa mapiritsi aya zvakakosha kuti vatange vapihwa dzidziso yakakwana kuti vasazobatira pamuviri pasina kurongwa.
Amai Charity Mandishona vanoshanda neHarare Chapter yesangano reWomens Coalition of Zimbabwe vatsinhirawo vachiti makiriniki haafanire kutengesera madzimai mapiritsi ekuronga mhuri anodhura.
Asi mukuru webazi reChitungwiza Health Services Department Doctor Tonderai Kasi vanoti mitengo yemishonga yakaita semapiritsi aya inonyorwa mubhajeti rekudaro zvinonetsa kutanga kupa vanhu pachena pasina chisungo chitsva.
Doctor Kasu vakurudzira madzimai omuChitungwiza kuti vaende kumakiriniki ekanzuru kuti vanopiwa mapiritsi uye vaendera mberi vachiti donzvo ravo senyanzvi yehutano nderekubatsira pakusimudzira hutano hwemadzimai.
Zvirongwa zvekuronga mhuri muZimbabwe zvinoitwa nesangano reZimbabwe National Family Planning riri pasi pebazi rezvehutano.
Kanzuru iyi yakaumbwa muna 1985. Gore rapera yakaparura gwaro rematanho anofanira kutorwa kudzidzisa madzimai nezvekuronga mhuri kwemakore mana kana kuti Zimbabwe National Family Planning Strategy for 2022 kusvika 2026. Kanzuru iyi inoda kuti madzimai aronge mhuri kuti vasazofe dzimwe nguva vave kuyedza kubvisa nhumbu kana kuisa hupenyu hwavo munjodzi.
Kanzuru iyi inoti iri kuda kudzikisa huwandu hwevanobata pamuviri pasina kurongeka kubva pazvikamu gumi kubva muzana 10% kusvika pazvikamu zvinomwe kana kuti 7% muna 2026.
Your browser doesn’t support HTML5