Munyori Mukuru weUN VaGutteres Voshanyira Somalia

United Nations Gutteres

Munyori mukuru wesangano reUnited Nations VaAntonio Guterres vasvika muMogadishu Somali nhasi vachitarisirwa kushanya kwenguva pfupi.

VaGutteres vakumbira kuti nyika ine hondo yave nemakore akawanda iyi ipihwe rubatsiro sezvo yakatarisana nenzara inotyisa zviri kukonzerwa nekusanaya zvakaka kwemvura uye dambudziko revanopfurikidza mwero vari kurwisa hurumende veAl Shabaab.