Al Jazeera Inoburitsa Chikamu Chayo cheChina, Mazita eMutungamiri weNyika neMhuri Yavo Achikandwa muMadhaka eHuwori Huri Kuitwa hweGoridhe

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo, Amai Auxillia Mnangagwa.

Nhepfenyuro yeAl Jazeera yaburitsa chikamu chayo chekupedzisera pavhidhiyo rayo rakanzi, Gold Mafia Episode 4, icho chinoratidza kuti mumiriri weZimbabwe kunyika dzematunhu eEurope neAmerica, VaUbert Angel, vanogona kunge vaishanda nemakoronyera anoburitsa goridhe munyika zvisiri pamutemo pamwe nekuchenura mari dzakasviba.

VaAngel vanogona kunge vairongawo zvakare kuti makoronyera aya asangane nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mazita emutungamiri wenyika pamwe nemhuri yavo ari kuburitswa zvakanya muvhidhiyo iri uye vachinzi vaipiwa mari dzechiokomuhomwe nemakoronyera aya.

Izwi revanonzi mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, rinonzwikawo muvhidhiyo iyi vachitaurwa navo naVaAngel.

Mumwe wevanhu vanonzi vari kuburitsa goridhe pamwe nekuchenesa mari zviri kunze kwemutemo, VaKamlesh Pattni, vanoonekwawo vachizvirova dundundundu uti vane nhamba dzenhare dzemutungamiri wenyika, uyo vavanodaidza nezita rekuti "Tembo."

Vanoganza kuti vanofanirwa kugara vachimuzivisa zviri kutora nzvimbo nguva nenguva. VaPattni vanoti vanopawo "chegumi" kumutungamiri wenyika mushure memasvondo maviri ega ega.

Chikamu chechina ichi, icho chakanzi “Gold Mafia Episose 4: Have The King With You,” chinoratidza makoronyera akaita saVaEwan MacMillan vachitaura pachena kuti vanoshanda nemutungamiri wenyika pamwe nevana vavo.

Pamwe pacho VaMacMillan vanobuda vachiratidza chiringazuva kana kuti wachi inodhura semare yerudzi rweRolex, yavanoti vakapiwa sechibatiso nemwanakomana waVaMnangagwa mushure mekunge vamukweretesa mari.

Gorodhi riri kuburitswa munyika rinonzi riri kuenda kuDubai.

VaAngel vanobudawo vachitaura nemakoronyera vachiavimbisa kuti vanokwanisa kuarongera misangano nemutungamiriri wenyika uye kuti vanokwanisa kushandisa ndege yemutungamiriri wenyika kutakura mari kana goridhe pasina zvinoitika kwavari.

VaAngel pane zvimwe zvikamu vanobuda vachitombofonera vavanoti mudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Auxillia Mnanangwa uye kutarura kuti vane nhamba dzefoni yemutungamiriri wenyika.

Vhidhiyo iri raburitsawo pachena kuti kunyange mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu, VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe, vaiburitsawo mangoda munyika zviri kunze kwemuutemo.

Asi vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi,gweta raVaAngel, Muzvinafundo Madhuku, varamba kuti VaAngel vanoshanda nemakoronyera vachiti vanhu vanobuda muvhidhiyo iri vanhu vaida kukanganisa hupfumi hwenyika.

Vati VaAngel vakazoramba vachitaura nevanhu ava nevasori kuti vaone kuti chinangwa chavo ndecheyi.

VaMadhuku vatiwo kunyange VaAngel vachishanda nemutungamiri wenyika, havashandi nemudzimai wavo kana mhuri yavo.

Vaendera mberi vachiti zviri pachena kuti donzvo reAl Jazeera nderekusvibisa VaAngel pamwe nemutungamiriri wenyika nekuvatora semakoronyera anoita huwori nekuburitsa goridhe munyika.

Vati vachaendesa Al Jazeera kumatare pamwe nevamwe vainyora manyepo pamusoro paVaAngel pamadandemutande.

Muzvinafundo Lovemore Madhuku.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaLazarus Sauti, vaudza Studio 7 kuti Al Jazeera yaburitsa pachena kubiwa kunoitwa zvicherwa nevashoma vazhinji vachiyaura nenhamo.

VaSauti vashora nyaya yekuda kusungisa vanhu vainyora kana kutaura pamusoro penyaya iyi vachiti vanhu vanofanira kusununguka kutaura zvavanoda.

Vanoongorora magariro akanaka evanhu, VaTendai Ruben Mbofana, vati zvabuda pachikamu chekupedzesera zvinotyisa uye zvave pachena kuti veruzhinji vari kutambura nekuti hupfumi hwenyika huri kumorwa nevashoma, vachiti yasvika nguva yekuti vanhu vamise huwori huri kuitika munyika.

Vatiwo paramende inofanirawo kutora matanho.

Mumwe wevataurwawo muvhidhiyo iri ndaVaScott Sakupwanya, vanove nhengo yeZanu PF iri kuda kumirira Mabvuku musarudzo dzeparamende, avo vanonzi naVaAngel ndivo vave pamusorosoro pakutengesa goridhe munyika.

Nhengo dzeparamende dziri kushushikanawo nezviri kuitika uye dzinonzi dziri kuda tsanangudzo kubva kuhurumende.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati vange vari mumusangano uye vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa. (Columbus Mavhunga/VOA)

Asi Amai Mutsvangwa vakaudza vatori venhau masvondo maviiri apfuura kuti hurumende yave kuongorora nyaya iyi pamwe nevese vari kuzvitutumadza muvhidhiyo iri.

Zimbabwe Anti-Corruption Commission, mapurisa pamwe nebandiko reR-B-Z re Financial Intelligence Unit vavewo kutoongorora nyaya iyi asi kusvika pari zvino hapana ati asungwa.

Bato guru rinopikisa munyika reCitizens Coalition for Change rinoti nyaya iri inofanira kuongororwa uye matanho otorwa pane vese vane chekuita enyaya iyi.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato rreZanu PF, VaObert Mpofu, vaudza Studio 7 kuti havataura pamusoro pevhidhiyo iri iro ravati rizere nemanyepo.

Mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa vakabudawo vachishoropodza vhidhiyo re Al Jazeera iri vachiti rakaitwa nevanhu vasiri kufara kuti zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvave kutungamira mabasa ekuchera nekutengesa goridhe, izvo zvaisiitwa nevachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya