Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vanosangana neChikwata cheSADC Chiri muNyika Kuzoongorora Kana Nyika Yagadzirira Sarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change, Vanelson Chamisa, vaita musangano nechikwata chekanzuru inoona nezvesarudzo musangano reSADC yeSADC Electoral Advisory Council (SEAC), iyo iri munyika.

Pamusangano uyu panonzi pakurukurwa nyaya dzakawanda dzakanangana nesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino, dzinosanganisira matambudziko anonzi ari kusangana nebato reCCC pamwe nevana veZimbabwe pamberi pesarudzo dzegore rino.

Zvimwe zvakakosha zvinonzi zvakurukurwa zvinosanganisirawo kurudziro yekuti SADC ipindire mukuti sarudzo dziitwe dzakachena, kuti gwaro revavhoti riwanikwe pachena, uye kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota.

Vanonzi vakurukurawo nyaya yekuti zvinenge zvabuda musarudzo zvikasike kuziviswa.

VaChamisa vanonzi vaperekedzwa kumusangano uyu nemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, VaIan Makone, mutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo Muzvare Ellen Shiriyedenga, pamwe nemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, Muzvare Gladys Hlatshwayo.

Kanzuru yeSADC iyi yakapinda munyika svondo rino kuzoongorora kuti Zimbabwe yagadzirira zvakadii kuita sarudzo dzakajeka, murunyararo uye ichitevedza zviga zveSADC Principles and Guildines.

Chikwata ichi chii kusanganawo nevose vane chekuita nesarudzo munyika.