Sangano rePoverty Liberation Movement Rinounganidza Rubatsiro Rwekupa kuMhuri yaVaJob Sikhala Avo Vachiri muHusungwa

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzePoverty Liberation Movement dzichisvitsa rubatsiro kumhuri yaVaJob Sikhala.

Sangano rinorwisana nehurombo, rePoverty Liberation Movement, neMugovera rakaunganidza rubatsiro pamwe nemashoko ekusimbisa izvo zvakasvitswa kumhuri yaVaJob Sikhala avo vachiri muhusungwa.

VaSikhala vakasvitsa mazuva mazuva mazana matatu nemashanu (305) vari mujeri reChikurubi Maximum Prison vakamirira kutonga pamhosva dzavari kupomerwa dzinosanganisira kupesvedzera mhirizhonga.

Mumwe wenhengo yesangano rePoverty Liberation Movement, VaObert Msaraure, vanoti mapurisa akamboedza kuvarambidza kusvika pamba paVaSikhala mushure mekunge motokari dzinodarika gumi neshanu dzakaita rundaza dzakatenderedza nharaunda inogara VaSikhala kuChitungwiza.

VaMasarure vanoti vakashamiswa nkuona mapurisa achidzivisa vanhu kupinda pamba pavaSikhala sezvo kuenda kwavo kwanga kusingade mvumo yemapurisa nekuti vaishanyira hama dzavo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo takundikana kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Asi VaMasaraure vanoti nhengo dzavo shoma ndidzo dzazokwanisa kuwana mukana wekusangana nemhuri yaVaSikhala dzakasvitsa zvakanga zvaunganidzwa nesangano ravo.

Vanoti mashoko akabva kuvanhu ekusimbisa achabatsira zvikuru VaSikhala sezvo vanenge voziva kuti vana veZimbabwe vakawanda vari kuvarangarira munguva ino yekurwadziswa kwavo.

VaMasaraure vanoti sangano rePovertyy Libeartion Movement rakaumbwa naivo VaSikhala mbune vasati vasungwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure