Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagawa nevamwe vari kupomerwa mhosva neAl Jazeera yekuti vari kuita zvehuwori munyaya dzegoridhe nekucheneswa kwemari dzakasviba kana kuti "money laundering" vanogona kutanga kuferefeta nemasangano anosanganisira United Nations Convention against Corruption uye sangano remubatanidzwa wemapurisa pasi rose reInterpol.
Komiti yeUnited Nations iyi ine masimba akawanda pakuferefeta nyaya dzakaita sedzekucheneswa kwemari dzakasviba nehumwe huwori sehuri kutaurwa neAl Jazeera.
Mumwe mukuru musangano reFinancial Action Task Force kana kuti FATF akaudza Studio 7 kuti nyaya iyi inoongororwa neveInterpol vozovasuma kuti vatore matanho. Interpol haisati yapindura mibvunzo yatakaitumira. Mari dzakasviba dzinogona kuguma dzoshandiswa nevanopfurikidza mwero.
FATF ine muzinda kuParis inogonawo kutemerawo zvirango kunyika kana paitwa ongororo nemasangano aya.
Al Jazeera inoti ongororo yakaitwa nevatori venhau vayo muchivande inoratidza kuti makoronyera ose ari kunzi ari kuita huwori ari kuti anodyidzana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Vari kuti vanodyidzana naVaMnangagwa vanosanganisira vanozviti muporofita VaUebert Angel, VaKamlesh Pattni, vakaratidza vanoti venhau zvavanonyorerana naVaMnangagwa panharembozha kana kuti text messages, VaEwan Mcmillan vanoti vaiita zvemabhizimisi naVaMnanangagwa uye vanodyidzana nemwanakomana avo akatemerwa zvirango neAmerica, Emmerson Junior, VaAlistair Mathias vanoti vanoshanda naVaMnangagwa.
Asi vamwe vana muzvinabhizimisi ava mushure mekuyanikwa pamhene vave kuramba kuti vanoit zvehuwori.
Hurumende yakazivisa kuti ichaferefeta nyaya iyi, RBZ yakatomisa mabhanga kuti ape mari vamwe vanomwe vari kunzi vari kuita huwori ava. Asi vamwe vanoti ndezvemugotsi matsuro sezvo vanhu vanopomwrwa mhosva dzakadai vasingaendese mari kumabhanga.
Hofisi yeUnited Nations Office on Drugs and Crimes inoti mari yakasviba inosvika matrillion maviri inotenderedwa pasi rose pagore.
Nhengo yeparamende inomirira Kambuzuma uye vari nhengo yerimwe sangano rinorwisa huwori reAfrican Parliamentarians Network Against Corruption (APNAC) VaWillas Madzimure vari kukurudzira kuti gurukota rezvemari Muzvinfundo Mthuli Ncube negurukota rezvezvicherwa VaWinston Chitando vadaidzwe kudare reparamende kuti vazobvuinzurudzwa nenyaya yakafushumnurwa nenhepfenyuro yekuQatar yeAl Jazeera.
Your browser doesn’t support HTML5