Kudzimwa kweMagetsi Kwokanganisa Kurimwa kweGorosi Mwaka Uno

Gorosi

Mukuru werimwe sangano revarimi reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union (ZICFU) Amai Maiwepi Jiti vanoti vari kushushikana zvikuru nekudzimwa dzimwa kwemagetsi neZESA apo mwaka wekurima gorosi wave kutanga mumazuva mashoma anotevera.

Amai Jiti vanoti izvi zvinogona kupa kuti varimi vadzikise ndima dzavo. Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakaudza vatori venhau kuti Zimbabwe gore rino yange ichida kurima gorosi rinosvika metric tonnes zviuru mazana mana nemasere kana kuti 408, 000 metric tonnes kudarika zviuru mazana matatu nemakumi masere rakarimwa gore rapera.

Hurumende inoti chinangwa chehurumemende ndechekuti isatenge gorosi kubva kunyika dzakaita seUkraine.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Maiwepi Jiti