Nyaya mutungamiriri weMovement for Democratic Change, VaDouglas Mwonzora, avo vakaneda kudare repamusoro soro vachida kuti gwaro rekutarwa kwemiganhu yesarudzo kana kuti Delimitation Report riitwe patsva ichanzikwa musi wa 8 mwedzi uno nevatongi vese vedare repamusoro soro, re Constitutional Court.
Izvi zvabuda mushure memusangano waitwa nemukuru wevatongi, Chief Justice, Luke Malaba, magweta aVaMwonzora, magweta eZimbabwe Electoral Commission pamwe nemagwata ange achimiriri mutungamiriri wenyika pamwe negurukota rezvemutemo.
Gweta raVaMwonzora, VaTrust Maanda, vati vabvumirana vese kuti vachafamba sei panyaya iyi uye zvanga zvakakosha kuti dare ritare zuva richanzikwa nyaya iyi nekuti inyaya yakakosha zvikuru.
VaMaanda vanoti hapana chiri kunyanya kunetsa panyaya iyi asi dare range richida kuti vanhu vawane nguva yekuunza magwaro kwariri sezvo iri nyaya yakakosha zvikuru.
VaMaanda vati chikuru chavari kuda kuti chiitwe kuti Delimitation Report igadzirwe pachishandiswa bumbiro remutemo nekuti gwaro rakaitwa neZimbabwe Electoral Commission harisi pamutemo.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna Amai Olivia Zvedi, vekumahofisi egweta guru rehurumende, avo vari kumirira mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnanangawa negurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziayambi panyaya iyi kana VaTawanda Kanengoni vari kumirira ZEC.
VaMwonzora vaudza vatsigiri vavo panze pedare kuti havasi kuzomirira kuti nyaya iyi inzwikwe mumatare vachiti vari kuenderera mberi negadziriro yesarudzo.
Nyanzvi munyaya dzemutemo Muzvinafundo,Lovemore Madhuku avo vanove mutungamiriri weNational Constitutional Assembly, vaudza Studio 7 kuti kana VaMwonzora vakabudirira panyaya yavakwidza kudare sarudzo dzinogona kunonoka kuitwa sezvo.
Asi VaMadhuku vati kana VaMwonzora vakakundikana panyaya yavo zvinoreva kuti sarudzo dzinenge dzaakuenderere mberi semarongerwo adziri kuitwa parizvino.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzesangano reVeritas dzinoti kana gwaro rekuganhura miganhu rikasatambirwa, panoshandiswa rakashandiswa musarudzo dza2018.
Izvi zvatsigirwawo nasachigaro verimwe sangano rinoongorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni avo vati kukunda kwaVaMwonzora kunogona kunonotsa sarudzo asi vakati zvese izvi zvinenge zvichiendarana nemutongo unenge wapihwa nedare.
VaZiyambi vainge vazivisa kuti sarudzo dzinogona kuitwa pakati pa26 Chikunguru kusvika 26 Nyamavhuvhu. Zuva resarudzo rinotarwa nemutungamiri wenyika.
Your browser doesn’t support HTML5