Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mhiri kwemakungwa zvinoti kunyange zvigere zvakanaka munyika idzi, hupenyu hausi nyore nguva dzose.
VaGift Gonye, avo vanoshanda nekugara ku Germany, vanoti kunyange hazvo vachiwana, kukwira kwemitengo yezvinhu kwava kushungurudza.
VaGonye vanotiwo pamusoro pekuzviriritira vari kuGermany, vanofanirwa zvakare kubatsira hama kumusha.
VaGonye, avo vanoti vasuwa zvikuru kumusha kwavo, vanoti kuti zvinhu zvivaitire nani, vanoshanda zvakanyanyisa.
Mumwe mugari wekuNorway, Muzvare Privilege Kandira, vanoti vachangopedza zvidzidzo zvavo uye hupenyu hausi nyore.
Mugari wekuSweden, Amai Sophia Tekwane, vanoti kukudza vana mhiri kwemakungwa idambudziko guru.
Asi Amai Tekwane vanobvuma kuti hupenyu hwekuSweden huri nani nehwe kuZimbabwe.
Asi vanoti kutambura kwevanhu vakasara kuZimbabwe kunoita kuti naivowo vagare vakashushikana.
Kunyange vagere vachiwana zvavanoda kuBritain, MuzvareTariro Muwungani, vanochemawo nerusaruraganda rwunoitika munyika iyi.
Muzvare Muwungani vanotiwo kunyangwe vanhu vakaita saivo varikumhiri kwemakungwa vachimbosvikawo pakuomerwa nehupenyu, hapana arikuZimbabwe anozvibvuma izvi kuti zvinomboitikawo kwavari.
Kunyange pasina ongororo yakadzama yakaitwa pahuwandu hwevanhu vari kunze kwenyika, dzimwe nyanzvi dzinoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri pakati pemamiriyoni mana nemamiriyoni mashanu, vazhinji vavo vachigara muSouth Africa.
Your browser doesn’t support HTML5