Nhengo dzebato rinopikisa reCitiens Coalition for Change dzaratidzira muLondon nhasi dzichitsutsumwa nehuwori huri kunzi nenhepfenyuro yeAl Jazeera huri kuitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mhuri yavo nevamwe.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakati hurumende ichaongorora zvose zviri kutaurwa neAl Jazeera izvi.
Bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rakatomisa vamwe vari kudomwa kushandisa mari dzavo dziri mumabhanga. Vamwe vari kupomerwa mhosva dzehuwori vari kuramba.
Vange vachiratidzira ava vaendesa tsamba yenyunyuto kuhofisi yemutungamiri wehurumende yeBritain.
Imwe nengo yebato reCCC Muzvare Patricia Chinyoka vanoti vafadzwa nekutambirwa kwavaita nemimwe mizinda yavashanyira nhasi kunosiya tsamba dzenyunyuto. Vanoti vasvika muzinda weZimbabwe muLondon wakavharwa asi vakwanisa kusiya tsamba dzavo kumizinda yeSouth Africa, United Arab Emirates nekuhofisi yemutungamiri weBritain.
Muzvare Chinyoka vati, "Takwanisa kusiya tsamba dzedu dzenyunyuto uye tinoda kuti nyika yeBritain iferefete zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvakadomwa mufirimu re Gold Mafia kuitira kuti hupfumi hwavakawana kubva mukubira veruzhinji venyika hupambwe uye hudzoserwe kumusha."
Vaenderera mberi vachiti, "Parizvino muzvipatara hamuna mishonga, migwagwa mizhinji haisi kugadzirwa, mvura yakachena haisi kuwanikwa mumaguta asi vanhu vachidya zvevapfupi nekuremba kubva kuzvicherwa zvenyika izvo zvaita kuti tisa pembere zuva rekuzvitonga kuzere sezvo vanhu vazhinji vari kutyorerwa kodzero dzavo munyika."
Your browser doesn’t support HTML5