Mhirizhonga Nekushaya Mari Zvotadzisa Madzimai Kukwikwidza Musarudzo

Vanhukadzi vari mumapato akasiya-siyana munyika vanoti vari kutadza kukwikwidzana zvakaenzana nevanhurume nenyaya dzinosanganisira mhirizhonga kushaya mari nezvimwe zvapa kuti vashoma vavo vasarudzwe kumiririra mapato avo musarudzo dzedare reparamende, senate nemakanzuru gore rino.


Mashoko aya akabuda nezuro pamusangano wainge wakarongwa nesangano reWomen and Law in Southern Africa(WILSA), wekukurudzira madzimai

kuti apinde mune zvematongerwe enyika. Musangano uyu wakaitirwa paUrban Style Lodge kuMasvingo.

Muuzvare Vimbai Mutunami, vebato rinopikisa reLabour Economists and African Democrats, (LEAD) vanoti madzimai anosanganawo nenyaya dzemhirizhonga yezvepabonde munyaya dzezvematongerwe enyika zvinozopa kuti vashaye chidokwa dokwa chekuda kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika nekuda kwebhora rembabvu rinenge richitambwa.

Kunze kwemhirizhonga musarudzo dzemaprimary sarudzo dzemuZimbabwe dzinozivikanwa pasi rose nenyaya yemhirizhonga nekudeuka kweropa. VeSADC, African Union neUnited Nations vari kukurudzira runyararo musarudzo dzegore rino.

Mumwe akataura pamusangano uyu inhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change(CCC), Amai Tendekai Matara vakatiwo handi nyore kuti madzimai awane mari yekutsvaga rutsigiro.

Izvi zvakatsinhirwa na Muzvare Princesss Ushendibaba vebato reZanu-PF vati pane zvimhingamupinyi zvakawanda zvinoita kuti zvinetse kuti madzimai akwikwidze.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa kuWILSA, Amai Patricia Muganhiri, vakati donzvo ravo nderekuti madzimai awanewo mikana yakafanira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vaenderera mberi vachiti vari kuita misangano iyi kumatunhu akawanda kuti vadzidzisane kuti vakurudzire madzimai kuti asarase mbereko nekufirwa asi kuti arambe akatsungirira kuti apinde mune zvematongerwo enyika.

Ko iwo mapato ezvematongerwo enyika ari kuti kudii panyaya yekuwanisa madzimai mikana?

Mutevedzeri wemunyori mubazi rinoona nezvesarudzo muCCC , Amai Ellen Shiriyendenga vati bato ravo rine zvirongwa zvakawanda kuburikidza neGender Taskforce zvekurudzira madzimai kuti akwikwidze musarudzo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo rine bandiko remadzimai reWomen’s League iro riripamberi kukurudzira madzimai kuti awaniswe mikana yekukwikwidza zvigaro zvose.

Vati pasarudzo dzavakaita dzekutsvaga vanomiririra bato ravo gore rino huwandu hwemadzimai akakwikwidza pamakanzuru nemuparamende hwakakwira vachienzanisa negore ra2018.