Vashandi veHurumende Vanoramba Kusaina Chibvumirano cheNJNC Vachipomera Hurumende Mhosva yeHumbimbindoga

Mutungamiri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecelia Alexander.

Vamiririri vevashandi vehurumende varamba kusaina chibvumirano cheNational Joint Negotiating Council chemwaka wekutanga wegore (First quarter) vachipomera hurumende mhosva yekuenderera mberi nekuvawedzera mihoro vasina kuwirirana.

Vashandi vehurumende vari kuchema chema nehwavanoti humbimbindoga hwehurumende vachiti zvisineyi nenhaurirano dzavari kuita hurumende iri kuita zvainoda pasina wirirano.

Vachitaura neStudio 7 mushure memusangano wavaita nevamiriri vehurumende muHarare nhasi, mutungamiri weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecelia Alexander, vati havasi kufara nemaitiro ehurumende ekusatevedzera zvinenge zvawiriranwa kumisangano.

Hurumende yawedzera mihoro yevashandi vayo mumadhora emunyika.

Amai Alexander vatiwo mari yakawedzerwa nehurumende iyi yemari yemadhora emunyika haina zvaichaita sezvo mari yemunyika yadonha zvakanyanya kana ichienzaniswa nedhora rekuamerica, vachiti izvi zvinoita kuti vashandi varambe vari varombo.

Munyori musangano revarairidzi reZimbabwe National Educators Union, VaCharles Chinosengwa, vati nhaurirano dzavakaita hapana chabuda nekuti hurumende haina kutevedzera zvavaive vataura kusanganisira kupa vashandi mari yekutenga mbatya pamwedzi pamwedzi kuti vaonekerewo kumabasa kana kuti dressing allowances.

VaChinosengwa vatiwo mari yekubatsirika Teaching Alloawance yemadhora eku America makumi masere kana kuti USD$80.00 iri kupiwa varairidzi haina zvainobatsira zvakanyanya vachiti ishoma.

Izvi zvatsigirwawo nemutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe – ARTUZ, rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa, VaObert Masaraure, avo vati mari iri kupihwa nehurumende semihoro iyi ichiri mutero wembwa uye misangano iri kuitwa pakatio pehurumende nevamwe vavo kutambisa nguva.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure

VaMasaraure vapawo yambiro kuhurumende vachiti ikaramba ichiita zvepamunhondo pamusasa zvikoro zvinogona kutadza kuvhurwa panopera zororo rezvikoro muna Chivabvu.

Mugwaro ravanyorera hurumende, vashandi vehurumende vatiwo vanoda kuti vashandi vehurumende vaenzaniswe nekupiwa mari dzakafanana.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kune gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, kana kumunyori wePublic Service Comission, Doctor Rosemary Tsitsi Choruma.

Asi mugwaro ravakanyorera kumapazi akasiyanasiyana ehurumende, Doctor Choruma vakazivisa kuti hurumende yakanga yawedzera vashandi vayo kubva pana Deputy Director zvichidzika, mihoro yavo yavanotambira iri mumadhora emunyika nezvikamu zana kubva muzana.

Mari dzekubatsirika pamwe nedzekubatsirika munguva ye Covid dzawedzerwawo kubva pamazana maviri emadhora ekuAmerica kuenda pamadhora mazana maviri nemakumi mashanu, kuchitiwo vai pamudyandigere vachipiwawo madhora ekuAmerica zana anoiswa mumabhanga avo e Nostro Accounts pamusoro pemihoro yavari kupiwa iri mumadhora emunyika.

Vashandi vehurumende vachiratidzira

Mari yainge yapiwa varairidzi inoita madhora ekuAmerica makumi masere yekuti vabatsirike kubhadharira vana vavo chikoro yashandurwa zita kuti inzi yave yekubatsirika kwevarairidzi, kana kuti Teaching Allowance.

Mari dzose idzi dziri kubhadharwa kubva musi wa 01 Kubvumbi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Rutendo Mawere