Muimbi achiri kusimukira anoimba nziyo dzeChitendero kana kuti Gospel, Joseph Maposa, uyo anozivikanwa zvakare nerekuti Pioneer Joe, anoimba ari kuChimanimani, anoti veruzhinji vari kufadzwa nekambo kake kaachangobura "Kurarama Inyasha."
Joseph, uyo anoimba nechikwata che"Chariots of Fire," anoti akatanga kurova magitare nekutsikisa mimhanzi mugore ra 2014 kwakare kuCHimanimani, achiti chakamusunda kupukunyuka kwaakaita kubva mudambudziko redutumupengo reCyclone Idai, iro rakaparadza misha mizhinji kuChimanimani nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza.
Muimbi uyu anoti vabereki vake nevehukama vakatambira mimhanzi yake nechikonzero chekuti anoridza musambo une dzidziso yeshoko raMwari.
Pari zvino ane dambarefu rinonzi "Mene Mene Volume 1," asi anoti nekuda kwematambudziko ari muindasitiri yavo yemimhanzi, zvava kunetsa kubura madambarefu saka vave kutsikisa nziyo imwe imwe, kana kuti "single tracks" kunyanya.
Your browser doesn’t support HTML5
Pioneer Joe anoti mamwe matambudziko aanosangana nawo kunyanya ndeekushaiwa mari yekutsikisa mimhanzi yake pachishandiswa michina yepamusorosoro, uyewo kuti agone kuita mavhidhiyo emhando yepamusoro anokwezva vateereri vemimhanzi pamadandemutande.
Anoti akakwanisa kuwana mari anogona kuzvishambadza zvakanyanya uyewo kukura nekukurumidza munyaya dzemagitare nekuti nhepfenyuro hombe dzinowanzonyenyeredza vaimbi vachiri kusimukira.
Joseph anoti vanoda kumubata vanokwanisa kumuwana panharembozha kana paWhatsapp panhamba dzinoti +263 773 911 220 uyewo mimhanzi yake iripo pamadandemutande eFacebook neYouTube.
Your browser doesn’t support HTML5