Hurumende Youmba Komiti Yekuongorora Huwori Mumapazi Ayo

VaMthuli Ncube

Bazi rezvemari nhasi raparura hwaro hwarichatevedza mukuongorora mashandisirwo emari yenyika richiti harisi kufara nekubiwa kwarinoti kuri kuitwa mari yehurumende nemakoronyera anenge achishanda nevamwe vashandi vehurumende.

Text: Vachitaura pakuparurwa kwehurongwa hwekuongorora mashandisirwo emari nemidziyo yehurumende, munyori mubazi rezvemari VaGeorge Guvamatanga vati vari kuita huwori ava vanoti vatengesera hurumende zvinhu zvisingazouye zvinopa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

VaGuvamatanga vati hurumende ichatora matanho akasimba kusunga vose vari kuita izvi vachiti vane masimba ekutengesa midziyo yevanenge vabatwa nemhosva mari yacho yodzoserwa muhomwe yehurumende.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vati hurumende haifanire kuramba ichiita sembwa isina mazino inongohukura isingarume rifa renyika richiparara sezvo nyaya dzehuori nekusashandiswa zvakanaka kwemari mumapazi ehurumende, makanzuru pamwe nemumakambani ehurumende, dzichigara dzakataurwa nezvadzo makore ese na auditor general asi pasina chinoitwa kugadzirisa nyaya idzi.

Mashoko aVaKuchera aya anouyawo apo nhepfenyuro yeAlJazeera yakaburitsa nyaya yekuti nyika iri kurasikirwawo nemari yakawanda kubudikidza nekubuditswa nekutengeswa kwegoridhe zvisiri pamutemo.

Asi gurukota rezvemari, VaMthuli vati hwaro hwavaparura nhasi uhwu, uhwo hurikudaidzwa kuti International Public Sector Accounting Standards Financial Reporting Manual, huchaita kuti mapazi ose ehurumende, makanzuru pamwe nemakambani ehurumende kana kuti ma parastatal, asungirwe kuzivisa vabati vehomwe yehurumende mashandisiro avanenge vaita mari pamwe nemidziyo yehurumende.

VaNcube vati hwaro hwavaparura nhasi uhwu, uhwo huchasungira mapazi ose ehurumende, makanzuru nemakambani ehurumende kuti anyore magwaro anoratidza mashandisiro aaenge aita mari mukupera kwegore rega-rega, huchaita kuti zvinhu zvijeke pamashandisirwo anoitwa mari nehurumende zvavati zvinoitawo kuti vanoda kukweretesa hurumende mari uye veruzhinji vanobhadhara mitero vave nechivimbo nemabatirwo nemashandisirwo anoitwa mari.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore