Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vazivisa nhasi kuti vachange vachikwikwidza zvakare musarudzo dzemutungamiri wenyika gore rinouya.
Vati vachapinda musarudzo nemutuvedzeri wavo Amai Kamala Harris. Vazivisa nezvedanho iri kuburikidza nevhidhiyo.
VaBiden vane makore makumi masere ekuberekwa kana kuti 80 years. Kubato ravo remaDemocrats, VaBiden vari kutarisirwa kukwikwidzwa musarudzo dzemaprimary naVaRobert F, Kennedy Junior, Amai Marianne Williamson nevamwe.
Vazivisa kuti vari kuda kukwikwidza musarudzo kubato remaRepublicans vanosanganisira vaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump, vaive gavhuna kuSouth Carolina Amai Nikki Haley, Senator Tim Scott nevamwe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Gadziro Gwekwerere vanoti kana VaBiden naVaTrump vakabudirira sezvo vakakwikwidzana musarudzo dzadarika muna 2020.
"Tiri kutarisira kuti pave nekukwikwidzana kwakasimba zvikuru kana vaviri ava vakabudirira kupinda musarudzo idzi," Muzvinafundo Gwekwerere vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5