Musika wekutengeserana nekuratidzira zvigadzirwa weZimbabwe International Trade Fair wavhurwa nhasi muBulawayo.
Asi masangano akazvimirira oga ari pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition arikushora zvikuru kukokwa kwaMambo Mswati weChitatu vekuEswatini kuti vave munyarikani pakuvhurwa zviri pamutemo kweusika uyu svondo rino.
Mambo Mswati weChitatu vari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu munyika mavo zvapa kudeuka kweropa.
Asi munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJames Manzou vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti kuuya kwaMambo Mswati weChitatu kwakakosha mukusimbaradza kudyidzana kweZimbabwe nenyika yavo munyayay dzekurima, kutengeserana uye kushanyirwa kwenyika nezvehupfumi.
Izvi zvatsinhirwa muhurukuro yaitwa neStudio 7 nemutauriri webazi rezvekudyidzana kwenyika VaLevit Mugejo. Vati rwendo urwu rwunosimbaradza kudyidzana kweZimbabwe neEswatini.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition VaPeter Mutasa vaudza Studio 7 kuti Mammbo Mswati vane nhoroondo yekutyora kodzero dzevanhu nekudaro havana kukokdzera kupihwa chiremera ichi.
Your browser doesn’t support HTML5