Vana vanofanira kunge vachienda kuchikoro, vari kutadza kunge vachienderera mberi nedzidzo yavo nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira hurombo, kuroorwa uye nyaya dzezvitendero, izvo zviri kusiya remangwana ravo risina kujeka.
Gwaro rakabuditswa gore rapera nesangano rinomirira kodzero dzevana pasi rose re United Nations Children's Fund, kana kuti UNICEF, rinoratidza kuti vana vanoda kusvika zvikamu makumi mana nezvinomwe kubva muzana, vainge vasingaendi kuchikoro nekuda kwehurombo uye matambudziko aikonzerwa nedenda reCovid-19.
Ongororo iyi inoratidzawo kuti vadzidzi vazhinji, kunyanya vanasikana vanogara kumaruwa, vaisiira chikoro panzira. Vamwe ndivo vaiti vakasvika muGrade 7, vobva vamira.
Vaiita rombo rakanaka vaikwanisawo kuzosvika kuForm 4, asi vaizogumirawo ipapo. Ongororo iyi inratidzawo kuti vadzidzi vashoma ndivo vaikwanisa kuenderera mberi kunosvika Form 6, kana kuzoendawo kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro-soro.
Mumwe mubereki, VaTonderayi Matema, vanoti pane zvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoita kuti vana vasiyire chikoro panzira. Vati, “Ndakaona zvinhu zvina zvinoita kuti vana, kunyanya vasikana vasaenderera mberi nechikoro.” Vaenderera mberi vachiti, “Chekutanga, hurombo chaihwo hunoita kuti vanasikana vamhanyire kuroorwa, senzira yekutiza nhamo iri kumba. Kushaya ikoko kunokonzera kuti mari yekuenda kuchikoro ishaike zvekare. Chepiri ndechekuti hakuna vanhukadzi nevanhusikana vanoyemurika nekuda kwekudzidza kwavanenge vakaita. Chetatu, zvatojairika kuti kuroora nekuroorwa kwava kuitwa nemazera iwawa. Chekupedzisira ndechekuti zvimwe zvitendero zvevabereki zvinombunyikidza vana kuti varoorwe vari vadiki.”
Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzevanasikana, reFemale Students Network Trust, Muzvare Evernice Munando, vanoti kushaya ruzivo rwakakwana muvabereki, ndiyo honzeri iri kuona vanasikana vachitadza kuenderera mberi nedzidzo yavo. Muzvare Munando vati, “Magariro atakaita kumaruwa achiri kutarisira vanasikana pasi zvakanyanya. Havasi kupiwa mukana wakazara wekuti vaende kuchikoro, saka kana nzara ichinge yaruma mumba, vabereki vanokoshesa dzidzo yevanakomana, vasingatarise yevasikana.” Vaenderera mberi vachitiwo, “Zvekare, kumamisha vana vasikana vanenge vachinzi havana basa nekuti vanenge vachinzi vacharoorwa, zvinoita kuti mhuri dzavachazoenda dzipfumiswe nedzidzo iyoyi. Vanhu vachiri kuda kudzidziswa kuti zvakakosha kuti vana vasikana vadzidzewo kufanana nevakomana.”
Mutevedzeri wemutungamiri webato re Citizens Coalition for Change, Amai Lynette Karenyi-Kore, vanoti vanoshushikana zvikuru nezvitendero zvisingaremekedze kodzeo dzevanasikana. Amai Karenyi-Kore vati, “Nyaya yemachechi ane mitemo inobvumidza kuti vana varoodzwe vachiri vadiki, idambudziko guru.” Vatizve, “Dzimwe nguva vana ava vanenge vasati vambosvika makore gumi nesere ekuberekwa- vamwe vanenge vaine makore gumi nematatu kana gumi nemana. Asi kana mwana iyeyu akabata pamuviri kana kuroorwa, haachakwanisi kuenda kuchikoro.”
Amai Karenyi-Kore, avo vanova nhengo yeNational Assembly, vanoti dare reparamende rinofanira kutora matanho akasimba kupedza dambudziko iri.
Dare reparamende rakavandudza mutemo weEducation Act kuti kana mwana aita pamuviri, anoti kana abatsirwa, odzokera kuchikoro. Takaona uri mutemo wakanaka asi mutemo uyu hausi kuzivikamwa nevazhinji.
Naizvozvo dare iri rinofanira kushambadza zvakasimba, kunyanya kumaruzeva, kuti vabatsire vana kudzokera kuchikoro kana vaita pamuviri. Kunodawo kuti dare reparamende rive chipangamazano kuvanasikana vekumaruwa, vamwe vanogona kunyara kana kutya kudzokera muzvikoro, kana vange vambomira.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti ichokwadi kuti vana vari kusiira zvidzidzo zvavo pakati, asi hurumende iri kuedza nepose painogona kuti mwana wese anofanira kunge ari muchikoro, awane dzidzo.
Vati, “Isu sebazi tine hurongwa hwakawanda hwekuti mwana wese, kunyanya vasikana, anenge akabuda muchikoro, adzoke.” VaNdoro vatiwo, “Mitemo yenyika inobvumira kuti kunyange mwana musikana akaroorwa, ane mimba kana ane mwana, aenderere mberi nechikoro. Ticharamba tichishanda nevemunharaunda- masabhuku, madzishe makanzura nevamiriri veparamende- kuti vanasikana vawane dzidzo yemhando yepamusoro kubva kuhurumende.”
Asi mukuru werimwe remasangano evadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanoti mushonga mukuru kugadzirisa upfumi hwenyika. VaZhou vati, “Isu sesangano takaona kuti vanasikana ava vanoshaya hanya nechikoro nekuona kuti chero vamwe vemunharaunda vanenge vakadzidza, vanenge vasina mabasa, zvinozoita kuti ivo vasatore zvidzidzo zvavo nemazvo.”
Vatiwo, “Saka zvinoda kutogadzirisa nyika kuti ive nenduramo; hupfumi husimukire; vanhu vowanawo mabasa. Vana vanobva kumhuri dzinoshaya vabatsirikewo nemari dzekuti vaende kuchikoro. Hurumende inofanira kuratidza chido chekuti inorevesa kuti inoda kuti mwana wese ange ari muchikoro.”
Kunyange hazvo vasikana vakawanda vanobata pamuviri vasiri kuenderera mberi nezvidzidzo zvavo, Zimbabwe ine mutemo wedzidzo wakavandudzwa muna 2020 uyo unosungira kupihwa mukana wekuenderera mberi nedzidzo kwemwanasikana anenge abata pamuviri, kuroorwa kana kuita mwana.
UNICEF inoti Zimbabwe inofanirwa kuwedzera mari inopihwa zvirongwa zvedzidzo yepasi, kubva pazvikamu gumi nezvitatu kubva muzana, kusvika pazvikamu makumi maviri kubva muzana, sezvakabvumiranwa kumusangano wakaitirwa mu Dakar, kuSenegal muna 2000.
Your browser doesn’t support HTML5