Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vanoti hurumende yeZimbabwe yakwanisa kutengera matikiti endege zvizvarwa zvizvarwa zvayo makumi mana nenomwe (47) zvakatiza hondo kuSudan kuti zvikwanise kudzokera kumusha.
Zvizvarwa izvi zvakatakurwa kubva kuPort Sudan zvakananga kuSaudi Arabia. Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rinoti rainge rataura nezvizvarwa zveZimbabwe zvingangosvika zana zvakawanda zvacho zvikati zvainge zvichida kubuditswa munyika iyi.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muSudan kunyanya muguta guru renyika iyi reKhartoum mafa vanhu vanodarika mazana mana nemakumi mashanu nevapfumbamwe (459) kubva zvatanga hondo musi wa15 Kubvumbi.
Vanhu vanodarika zviuru zvina vakuvarawo muhondo iyi. Sangano reWorld Health Organization riri kuyambirawo kuti rimwe dura rinoshandiswa nenyanzvi munyaya dzezvehutano kana kuti laboratory rine hutachiona kana kuti mavirus egwirikwiti, cholera nezvimwe zvirwere zvinogona kuuraya vanhu vakawanda rakapambwa nevari kurwisana ava zvinogona kuisa vakawanda munjodzi.
Kurwisana kuri pakati pemauto akapidigura hurumende nevakavapandukira veRapid Support Forces.