Cholera Yauraya Vanhu Gumi neVana Yopararirawo muHarare

Bazi rinoona nezvehutano muguta reHarare rinoti pavanhu gumi nevaviri vanofungirwa kuti vakabatwa nechirwere cheCholera nezuro munyika, gumi nevatatu vacho ndevemuHarare mumusha wevazhinji weBudiriro. Nekudaro bazi iri riri kuyambira vanhu kuti vagare vakangwarira. Chirwere ichi chakatanga kupararira munyika kuChegutu muna Kukadzi.

Vachitaura kumusangano wakokerwa nevatori venhau vanonyora nhau dzine chekuita nezvehutano, vanoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mukanzuru yeHarare, Doctor Michael Vere vati vanhu vatatu vakatobatwa necholera vachiti vese vakabatwa nechirwere ichi vanoshandisa tsime rimwe remvura.

VaVere vati vakatovharisa tsime iri uye varikupa vanhu vemunharaunda iyi mvura pamwe nemishonga yekuchenesawo mvura.

Vayambirawo veruzhinji kuti vakaona voita manyoka vamhanye kuzvipatara nemakirinika.

Vatiwo kurwisa chirwere chemanyoka kanzuru inofanirwa kugadzirisa dambudziko remvura nekupfachuka kwepombi dzinotakura siweji.

Nyanzvi munezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano vaHenry Madzorera vati Cholera chirwere chinokonzerwa netsvina.

VaMadzorera vati hurumende inofanirwa kutora matanho ekupedza chirwere ichi.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra revagari muguta reHarare Resident Trust VaPrecious Shumba vati havaoni Harare ichikwanisa kuzadzikisa donzvo rekupedza Cholera panosvika 2028 sezvirikutaurwa nehurumende.

VaShumba vakurudzirawo kuti vashandi vezvehutano vadzidzisewo veruzhinji matanho avangatora kudzivirirawo kuchirwere ichi.

Mumwe mugari wemuHarare VaLancelot Tsikirai vati kanzuru yeHarare inofanirwa kuwanisa vagari mvura yakachena.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kuna meya weguta reHarare VaJacob Mafume sezvo nharembozha yavo yanga ichingorira isingadairwi.

Ongororo yakabuditswa nebazi rezvehutano nezuro inoratidza kuti kusvika parizvino vanhu mazana mashanu nemakumi mashanu nevashanu (555) ndivo varikufungidzirwa kuti vane chirwere cheCholera. Asi pavanhu ava zana negumi nevashanu (115) vakaongororwa vakatobatwa chirwere ichi.

Vanhu gumi nevana vari kufungidzirwa kuti vakafa nechirwere ichi munyika uye vana vavo vakatobatwa kuti vaive vafa necholera. Vanhu gumi nevanomwe parizvino ndivo vari muzvipatara nekuda kwechirwere chemanyoka ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere