ZCTU Inoti Kukwira kweMari Yave Kudiwa neMunhu paMwedzi, yePDL Yakaziviswa neZimStat, Kwaomesera Vashandi Zvakanyanya

  • Jonga Kandemiiri

ZimStat

Hupenyu hwevashandi vakawanda munyika hunonzi nesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU huri kuramba huchioma nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa nemunhu zuva nezuva kuti ararame.

Zimbabwe National Statistic Agency, ZimStat, yakazivisa svondo rapera kuti mumwedzi wapera waKubvumbi, mari dzinodiwa nemunhu kuti ararame pamwedzi dzakakwira nezvikamu gumi nechimwe kubva muzana, kana kuti 11 percent, zvichienzaniswa nemwedzi waKurume.

Sangano iri rakati munhu mumwechete aida mari inoita zviuru makumi matatu nezvitatu zvemadhora emunyika kana kuti ZWL$33 000.00 pamwedzi kuti akwanise kuwana zvose zvaanoda kuti anzi haasi murombo.

Munhu mumwechete anonzi aidawo mari inoita zviuru makumi maviri nezvishanu zvemadhora emunyika, kana kuti ZWL$25 000.00, kuti akwanise kuwana chikafu chinovaka muviri chinodiwa pazuva, kana kuti 2 100 calories, mumwedzi waKubvumbi wakare.

VaJaphet Moyo veZCTU.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti mari dziri kutaurwa neZimstat idzodzi hadziwanikwe nemushandi anenge aine mhuri ine vanhu vashanu kana kudarika.

VaMoyo vanoti mitengo yezvinhu zvose munyika yakwira zvakanyanya, kusanganisira mari dzekuripira pama toll gate, izvo zvavanoti zvichaita kuti vezvitoro, avo vanotakura zvinhu zvavo nedzimotokari, vakwidzewo mitengo yavo.

Izvi zvinotsinhirwa nenyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira Zimbabwe Coalition for Peace and Development, VaTrust Chikohora, avo vanoti kukwira kwakaita mitengo yezvinhu mumwedzi wapera zvichikonzerwa nekushaya simba kwedhora remunyika kwakaita kuti vashandi nevanhu vose zvavo vashaye zvikwanisiro muhupenyu.

Imwe nyanzvi inoshanda yakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo pane dambudziko riri kukonzerwa nekushaya simba kwaita dhora remunyika, izvo zvave kuomera vakawanda munyika kuti vakwanise kubata dhora rekuAmerica pazuva.

Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei? VaMoyo vanoti mihoro inotambirwa nevashandi inofanirwa kudzoserwa pamari dzaitambirwa nevashandi dzaive US$589.00 pamwedzi, kwete kuti varambe vachitambiriswa mihoro nemadhora emunyika.

VaChikohora vanotiwo kuti dambudziko iri rigadzirisike hurumende inofanirwa kukasika kutora matanho kugadzirisa matambudziko ari kukonzera kushaya simba kwedhora remunyika izvo zviri kukwidza mitengo yezvinhu zuva nezuva.

ZimStat inoti muna Kurume munhu mumwechete aida mari inoda kusvika kuzviuru makumi matatu zvemadhora emunyika, kana kuti ZWL$29 778,08 pamwedzi, ichiti mari iyi inosiyana dunhu nedunhu sezvo mitengo ichikwira zvakasiyanasiyana zvichienderana nematunhu.

VaPaul Mavima

Hurumende inoti zvayo iri kuzviziva kuti mushandi aomerwa nehupenyu, gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima ,vachiti panofanirwa kutariswa zvakare mihoro yevashandi nekukasika.

Ukuwo, dhora rekuAmerica rinonzi rave kutengwa pamusika mutema nemadhora emunyika zviuru zviviri kana kudarika, izvo zvinonzi zviri kumanikidza vezvitoro kukwidza mitengo sezvo vakawanda vavo vachinzi vanotsvaga mari yekunze pamusika mutema.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yezvehupfumi ina Jonga Kandemiiri