Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naVaTichaona Mike Nyakujara, avo vari muguta reJohannesburg, muSouth Africa.
VaNyakujara vari kugadzira pendi yerudzi rwe gamazine yavari kutengesera makare muSouth Africa.
VaNyakujara, avo vakaberekerwa kwaChihota, vakapinda muSuth Africa muna 2012 vari mutyairi wemagonyeti vakazosiya basa iri muna 2020 mushure mekunge zvizvarwa zvenyika iyi zvakatanga kunetsa vatyairi vanobva kunze kwenyika zvichivapisira motokari dzavo zvichiti zviri kutorerwa basa.
Muna 2022 vakazotanga zvekugadzira pendi vachizoumba kambani yavo inonzi Best Gamazine Suppliers, iyo iri muBoksburg, muJohannesburg.
Pari zvino vane vashandi vanomwe, vashanu vanobva kuZimbabwe nevaviri vanove zvizvarwa zvemakare muSouth Africa asi vanoti sezvo pendi yavo ye gamazine yave kuzivikanwawo kune dzimwe nyika dzakaita seBotswana neLostho, vane tarisiro yekuvhura mahofisi munyika idzi pamwe nekuZimbabwe munguva pfupi inotevera.
Vanoti zvavo havasati vawana musika wakakura muZimbabwe sezvo vazhinji vasati vanyanyoziva nezvependi ye gamazine iyi sezvo ichiri itsva.
"So far vari kubatsirika maSouth Africans nekuti ndivo vave neruzivo nayo (gamazine paint) uye kuti yakanakireyi kwavari because chinhu chavari kuona kunaka kwacho than in Zimbabwe nekuti havasati vave neruzivo nayo zvakanyanya. Also, zvekugadzirisa pendi yacho hazviwanike kuZimbabwe, even kuti titakure zvinhu zvacho zvinoti remeyi zvakanyanya," vanodaro VaNyakujara.
Vanotiwo rudzi rwependi itsva ye gamazine urwu rwakanakira kuti inogara kudarika dzimwe pendi dzagara dzichishandiswa nevanhu kare idzi, uye vane ndudzi dzependi yekunze neyemukati.
Vanoti vane hurongwa hwekubatsirawo kusimudzira nharaunda yavanobva yekwakare kwaChihota sezvo kambani yavo yave kuratidza kukwanisa kugona kumira nemakumbo maviri.
VaNyakujara vanoti vanoda kuvabata vanokwanisa kuvashanyira kumahofisi avo ari panosangana Carson Road na 14th Avenue muBoksburg, kana panhamba dzenharembozha dzinoti +27 63 567 3400, kanawo padandemutande reFacebook pasi pezita rinoti Tichmike Nyakujara.
Your browser doesn’t support HTML5