Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasimuka nhasi vakananga kuBritain uko kuri kugadzwa Mambo Charles weChitatau nemusi weMugovera.
Asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, rwendo rwaVaMnangagwa rwuri kuita mutauro vamwe vachirwushora.
VaMnangagwa vari kuenda kuBritain kunyangwe dzimwe nhengo dzedare reparamende yenyika iyi nevanorwira kodzero dzevanhu vange vachikurudzira kuti vasakokwe vachivapomera mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.
Asi vachitaura nevechidiki vebato ravo nezuro, VaMnangagwa vakati rwendo rwavo nderwekuda kugadzirisahukama neBritain kunyangwe pasina hapo kujeka kuti vachasangana nevatungamiri venyika iyi.
Sachigaro weZanu PF kuBritain, VaXavier Zavare, vati sebato vanofara nekuti zvinoratidza kuti VaMnangagwa vari kubudirira pazvirongwa zvehurumende yavo zvekugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika.
Asi VaZvavare vayambira zvizvarwa zveZimbabwe zvingade kuratidzira vachiti iyi ndiyo nguva yekubatana nekutsigira mutungamiriri wenyika.
Asi mutauriri werimwe sangano riorwira kodzero dzevanhu reRestoration of Human Rights Zimbabwe vari kuBritain VaPanyika Karimanzira vanoti chingatovakanganisa kuratidzira mitemo yenyika iyi asi vakawana mukana havasi kuzousiya kuti vaudze VaMnangagwa zvavanofunga.
Mutungamiri webato rinokipikisa reUnited African National Congress, iro riri musangano rePolitical Actors Dialogues, (POLAD) VaAlfios zvirikuitika izvi ndozvanotarisira muPOLAD kuti Zimbabwe ifambidzane nedzimwe nyika.
Asi mutungamiriri werimwe bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe vati kukokwa kwaVaMnangagwa hazvirevi kutambirwa kwehutungamiri hwavo.
Vakafanobata chinzvimbo chemutevedzeri wemutauriri weTripple C, VaFelix Mafa, vaudza Studio 7 kuti hapana chinobuda parwendo rwaVaMnangagwa kuBritain nekuti kugadzwa kwamambo hakunei nenyaya dzehupfumi kana kudyidzana.
Izvi zvatsinhirwa nevanoongorora nyaya dzekugara zvakanaka kwevanhu, VaItayi Ruben Mbofana .
Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere kubva kuBritain muna 1980 uye Mambo Charles vachiri nevanji kana kuti Prince Charles ndivo vakatumwa kuenda kuZimbabwe pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere. Vakabva vapihwa mureza weUnion Jack wakadzikiswa pachisimudzwa weZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi ikozvino nyika mbiri idzi dzave makara asionane Britain ichipomera VaMnangagwa nevamwe vavo mhosva yekutonga nedemo. Asi hurumende yeZimbabwe inoti kunetsana kwakatanga payakagovera minda patsva kubva kuvarimi vachana ichipa vatema.