Murume Ainge Aine Pfuti Ouraya Vanhu Vapfumbamwe KuTexas

  • Blessing Zulu

Mumwe munhu ange aine pfuti akauraya vanhu vapfumbamwe nekukuvadza vamwe kuDallas, Texas muAmerica nemusi weMugovera.

Mapurisa anoti munhu uyu akabva apfurwawo akafa nemapurisa ainge vari pedyo nechitoro cheAllen Premium Outlets chaaipfurira vanhu.

MuAmerica munonzi mave kupfurwa vanhu vakawanda panguva imwe chete kana kuti “mass killings” kanosvika kamwe chete pasvondo