Gamba VaKabasa Voradzikwa VaMnangagwa Vachiti Vanoda Sarudzo Dzisina Mhirizhonga

Mnangagwa & Chamisa

Gamba rehondo yerusununguko, VaAbrahama Kabasa, avo vakashaya musi wa29 Kubvumbi varadzikwa nhasi kunzvimbo inovigwa magamba yeNational Heroes Acre mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti kuenda kwavo kuBritain pakugadzwa kwemambo Charles wechitatu nemusi weMugovera kuchavandudza kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika.

Mumashoko avo pakuvigwa kwaVaKabasa, VaMnangagwa, vakurudzira veruzhinji kuti vachengetedze rusununguko rwakaunzwa nemagamba akaita saVaKabasa.

VaMnangagwa vatenda mushakabvu nebasa raakaita nguva yehondo apo airapa varwi vehondo yerusununguko, kuvapa mishonga nezvekupfeka apo vaive mukuru wechipatara cheMakosa kwaMtoko.

Vati nekuda kwemabasa aVaKabasa, chipatara cheMakosa chakazovharwa vakaendeswa kuMtoko General Hospital uko vakazosungwa vakakandwa mujeri mushure mekubatwa nemhosva yekubatsira varwiri vehondo yerusunguko.

Muna 1980, vakasarudzwa kuve mumiriri weMutoko Mudzi Constituency uye muna 1985 vakasarudzwa kuve mutevedzeri wemutauriri weparamende. Muna 1990 vakasarudzwa kuvegavhuna wedunhu reMashonaland East.

Vachitaurawo nezvemamiriro akaita zvinhu munyika, VaMnangagwa vati hurumende yavo iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika nemagarire akanaka evanhu.

Vati kuenda kwavo pakunogadzwa kwemambo Charles wechitatu kuBritain kuchaona kuvandudzwa kwekudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika.

Vatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo gore rino, zvakakosha kuti vanhu vabude nehuwandu hwavo kuti vachengetedze rusunguko kwakaunzwa namagamba akaita savaKabasa nevamwe varere munzvimbo dzakasiyayana munyika yese.

Vatiwo vatiwo vanhu vanofanira kuvhota murunyararo.

Mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, vati vakafara chose nekukokwa kwaVaMnangagwa vachiti zvinoratidza kuti Zimbabwe yave kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika.

Asi mumwe wevatevedzeri vemutauriri webato guru rinopikisa reTripple C, Va Feliz Mafa, vaudza Studio 7 kuti hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika hunonaka chete kana hurumende yeZimbabwe ikaremekedza kodzero dzevanhu.

Vatiwo zvingave zvakanaka chose kana hurumende yaVaMnangagwa ikatevedza zvavanotaura panyaya dzerunyararo.

VaKabasa vasiya mudzimai, Amai Miriam nevana gumi nemumwe. Vange vave nemakore makumi mapfumbamwe nerimwe kana kuti 91 years. Vakafa nechirwere chegomarara.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya