Kunyange hazvo bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe neMuvhuro rakaparura imwe mhando yemari yepadandemutande inonzi “digital gold tokens,” iyo inonzi inotsigirwa negoridhe rinenge riri kuR-B-Z, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti hadzioni danho iri riine zvikuru zvaringabatsira nazvo pakudzikamisa dhora remunyika.
Nyanzvi idzi dzinoti hurongwa uhwu hahuna kunyatsoshambadzwa zvekuti dzinoona huchikundikana sezvakaitika pamapeni egoridhe, kana kuti “Mosi-oa-Tunya gold coins” ayo akaparurwa gore rapera nechinangwa chimwechete chekudzikamisa mari yemunyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti chikuru chiri kuita kuti zvirongwa zvose zvekuedza kudzikamisa dhora remunyika pachishandiswa goridhe zvikundikane inyaya yekushaya chivimbo neR-B-Z kuri kuitwa neveruzhinji.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotiwo havaone ma gold token aya achiunza zvitsva zvakatadzwa nemapeni egoridhe.
Professor Masocha vanodzoka vachitiwo havaoni paine kubatsirika kunganzi kungaitwa kune veruzhinji kuburikidza nechirongwa chitsva ichi.
Ko veruzhinji vakawaniswa dzidziso izere here pamusoro penzira yemari itsva iyi?
Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti iroro ndiro rimwe dambudziko rinoitika rekuti hurumende neRBZ havasi kunyatsoshambadza zvakakwana zvirongwa zvavanenge vachiparura, izvo zvinozoita kuti veruzhinji vasave neruzivo rwezvinenge zvakanakira kana kushatira zvirongwa zvakadai.
Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reVakambotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, Doctor Callisto Jokonya, vanoti pachiri papfupi kuti ivo sevemabhizimusi vataure nezvazvo sezvo vasati vave neruzivo rwuzere.
Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei?
Doctor Kanyenze vanodzokawo vachiti chikuru chinodiwa ndechekuita muonera pamwe chuma chemuzukuru kuitira kuti nyika isaramba ichiita sebhasikiti raTizirai rinoti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa.
Asi hurumende inoti zvirongwa zvayo zvakanangana zvakare nekubatsira veruzhinji kuti vakwanise kuchengetedza mari dzavo.
Vachiparura hurongwa uhu neMuvhuro, VaMangudya vakatiwo mari itsva iyi inokwanisa kutengwa nemunhu wose kwete “ma gold coins” anonzi anotengeserwa vashoma.
Veruzhinji vanonzi vanokwanisa kutenga nemadhora ekuAmerica anoita gumi, kuchitiwo vemakambani vachitengeserwa nemadhora zviuru zvishanu.
Vanenge vatenga matokeni egoridhe aya vanonzi vanokwanisa kuzoatengesa mushure memazuva zana nemakumi masere.
Asi sechave chigariro musoro weshuro kushaya nyanga, vakawanda vanoti tinotenda maruva tadya chakata.
Your browser doesn’t support HTML5