Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti mashatiro aita zvinhu muZimbabwe asvika pakaipa zvekuti zvichatora nguva yakareba zvikuru kuti zvidzokere kumakore uhuchi nemukaka.
Vanhu vakawanda vari kushanda nekugara kunze kwenyika vanoti kuipa kwevinhu muZimbabwe kuri kuramba kuchienda kumawere zvokuti kugadzurusuka kwazvo kuchatora nguva yakareba zvikuru.
Mugari wekuSpain, VaIsheanesu Gusha, vanoti pane kuti zvinhu zviite nani muZimbabwe, zviri kutowedzera kushata vachienzanisa nezvazvakange zviri mazuva avakabuda munyika.
VaGusha vanotiwo Zimbabwe iri kutadza kusimukira munyaya dzehupfumi nepamusana pekusarongeka kwevatungamiri vavo.
Muzvare Tariro Muwungani avo vanoshanda nekugara ku Britain, vanotiwo kusabudirira kweZimbabwe kuti kukonzerwa negwara reZanu PF iro vanoti harina kujeka.
VaTichaona Maphosa, avo vari ku Sweden, vanoti nekuda kwekushata kwezvinhu pasi pehutongi hwehurumende yeZanu-PF, Harare, rinova guta guru reZimbabwe, angova manyama amire nerongo.
Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachishanda neInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vanoti hurombo hwatekeshera nenyika yese, nekudaro hapana chinofadza.
Ukuwo VaWelcome Zimuto vanoti vakaenda kuCzech Republic vachinoita zvidzidzo zvavo zvepamusoro soro, vanoti ivo honzeri hurusa yekuipa kwezvinhu muZimbabwe, mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa nebato ravo reZanu-PF.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kana kumutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa,
Asi izvi zvinopikiswa nemumwe wevechidiki muZanu-PF, VaTaurayi Kandishaya, vachiti manyepo kuti bato ravo rauraya nyika, vachiti zvakawanda zvavakwa nehurumende yeZanu-PF kusvika pari zvino.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti vanhu vasina mabasa munyika vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana
Zimbabwe, iyo yaiva hurudza munyaya dzekurima, yakatanga kusaita zvakanaka muna 2000 zvichitevera kubvuta kwayakaita mapurazi evachena
Your browser doesn’t support HTML5