Vamwe Voti Matanho eKudzikamisa Mitengo yeZvinhu Munyika Ari Kutorwa neBazi reZvemari Haana Zvaanobatsira

Mumwe mutengi achitarisisa mutengo wedovi mune chimwe chitoro muBulawayo. Hurumende iri kutora matanho ekumisa kukwira kwemitengo.

Apo mari yemunyika iri kuramba ichishaya simba kana zvoichienzaniswa nedhora rekuAmerica panguva iyo kukwira kwemitengo yezvinhu kuri kuenderera, bazi rezvemari ratora matanho ekugadzirisa matambudziko aya, asi vamwe vanoongorora zvehupfumi vachiti hazvina zvazvinobatsira.

Mitengo yezvinhu, zvikuru zvekudya zvakaita sechingwa, upfu hwekubikisa chingwa, upfu hwesadza, nemafuta ekubukisa, inonzi iri kukwira zvakanyanya muZimbabwe zvave kuita kuti mhuri dzakawanda dzikundikande kuzvitenga.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanogarotaura kuti hupfumi hwenyika huri kukura uye maindasitiri ari kuwedzera kushanda, izvo vanoti zvave kuita kuti zvikamu makumi manomwe kubva muzana ezvinhu zviri kuwanikwa muzvitoro zvive zvigadzirwa zvinobva munyika.

FIGurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube

Asi muchiziviso chavakaburitsa nezuro, VaNcube vakabvuma kuti dhora remunyika riri kuramba richishaya simba uye mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamuramba mhuru kukwira, izvo zvaita kuti vatore matanho anosanganisira kuti zvimwe zvinoshandiswa nevanhu zuva nezuva zvipinzwe munyika pasina kubhadhara mutero.

VaNcube vakatiwo makambani haachibatirwe zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemari yekunze yaanenge awana muno.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vati zvakanaka kuti hurumende inoramba yakasvinurira kugadzirisa zvehupfumi munyika, vakatiwo mamwe ematanho aya akanakira veruzhinji asi nerimwe divi anogona kukanganisa maindasitiri nemabhizimisi.

VaMoyo vaenderera mberi vachiti hwaro hwehupfumi hauna kumira zvakanaka nekuda kwekuti veruzhinji havana chivimbo nemari yemunyika.

Mutengo weupfu wakwirawo.

VaDenford Mutashu, vanove mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, vati vanotambira matanho atorwa nebazi rezvemari, vachiti achabatsira kudzikamisa hupfumi hwenyika. vatiwo zvakakosha kuti hurumende nevemabhzimisi vagare vachishanda pamwe chete panyaya iyi.

VaMutashu vatiwo hurumende inofanirwa kunyatsoongorora mashandisirwo anoitwa mari yekunze nevemabhzimisi vanotenga mari iyi pamusika weReserve Bank of Zimbabwe, vachiti vamwe vavo vanoishandisa zvisiri izvo, izvo vati zvinovhiringidza hupfumi.

VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro zvepamusoro uye muongorori wezvehupfumi akazvimirira. Vanotsigira maonero ekuti hwaro hwehupfumi hahuna kumira zvakanaka vachiti izvi zvinokonzerwa nekusave nemitemo yakajeka.

Vati vanoona zviri nani kuti munyika mumboshandiswa mari yenyika yekuAmerica kusvika zvinhu zvadzikama.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvehupfumi variwo muongorori akazvimirira VaFelix Chari vanotsigirawo maonero ekuti dai mari yemunyika yambosendekwa parutivi.

Vamwe havachaisi mitengo pachena.

Pakadzorwa mari yemunyika mugore ra2018, hurumende yakati mari iyi yaive ine huremu hwakaenzana nedhora rekuAmerica. Asi mushure menguva pfupi mari yemuno yakatanga kushaya simba kusvika pari zvino apo huremu hwayo huri kuramba huchiwondomoka.

Pari zvino dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora emunyika anodarika zvishoma chiuru chine mazana maviri, kana kuti US$1.00 is to ZWL$ 1, 212.00 pamusika weReserve Bank of Zimbabwe, kuchitiwo pamusika mutema richitengwa nemari yenyika inodarika zviuru zviri zvemadhora.

Muzvitoro zvakasiyana siyana zvinonzi zvinhu zviri kutengeswa zviine mitengo yakaratidzwa pachena, kuchitiwo mune zvimwe, mitengo yakabviswa.

Kutanga kwesvondo rino, hurumende yakaumbawo komiti yemakurukota matatu anoti rezvemari, rezvemaindasitiri nekutengeserana, uye rekuburitswa kwemashoko, kuti iongorore zviri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu zvakaita sechingwa, hupfu nemafuta ekubikisa, uye kuti zvingagadziriswa sei.

Nyaya yehuku yakwirawo mutengo.


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vakuru vakuru vehurumende vanochema nerekuti zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende pamwe nemamwe makambani emunyika ndizvo zviri kukanganisa hupfumi.

Asi vamwe vanoti kusave nehutungamiri hwakanaka pamwe nehuwori ndizvo zviri kukonzerersa matambudziko muhupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kudzanai Musengi