Pasi rose rabatana neChishanu richi cherechedza nekupemberera zuva revakoti, reInternational Nurses Day, iro rinocherechedzwa musi wa 12 Chivabvu gore roga roga senzira yekutenda mabasa anoitwa nevakoti muboka rezvehutano.
Zuva iri riri kuuya panguva iyo vakoti vemuZimbabwe vari kuchema nemihoro yavanoti iri pasi, izvo zviri kukurudzira vakawanda vavo kubuda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro, kunyange hazvo Zimbabwe yakaiswa panyika dzakanzi neWorld Health Organisation hadzifanirwe kutorerwa vakoti.
Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vanoti zuva iri rakavakoshera zvikuru sevakoti, uye gore rino vari kuricherechedza nyika ichangobuda mudambudziko redenda reCovid-19.
asi VaDpngp vanoti vanosuwiswa kuti vamwe vakoti vakashaya nekuda kweCovid-19 vachiita.
Panyaya yemihoro isiri kuvakwanira, Vadongo vanokurudzira hurumende kuti ione kuti yawedzera vakoti mihoro inoita kuti vakwanise kurarama, kuendesa vana kuzvikoro, uye kuti ivo vakoti vakwanisewo kuenda kumabasa mwedzi wose.
Vanoti kuti mukoti arape nekubata murwere zvakanaka hunge iyewo pfungwa dzake dzakagadzikana panzvimbo imwechete.
VaDongo vanoti sangano ravo rakakokawo komiti yeparamende inoona nezvehutano kuti itenderere nenyika ichisangana nevakoti ichinzwawo zvichemo zvavo.
Nemusi weChina komiti iyi inonzi yaive pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals uko yakanzwa zvichemo nezvimhingamipinyi zviri kusangana nevakoti.
Dingindira regore rino rinoti “Our Nurses, Our Future,” zvichireva kuti vakoti vedu, remangwana redu.
Your browser doesn’t support HTML5