Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nemagweta anorwira kodzero dzevanhu vanoti zvakaitwa neFinancial Intelligence Unit, zvekusunungura midziyo yevanhu vakafumurwa neAl Jazeera kuti vari kuita huwori mukuburitswa kwegoridhe munyika pamwe nekucheneswa kwemari dzakasviba.
Vanhu ava vari kushoropodzawo zvakare zvakaitwa nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, zvekurambidza paramende kuferefeta nyaya yehuwori iyi, zvinoratidza kuti nyika haisati yave nechido chekurwisana nehuwori.
NeMuvhuro, Financial Intelligence Unit, rinove bazi reReserve Bank of Zimbabwe rinoferefeta mafambisirwo emari, rakazivisa kuti ongororo yarakaita yakaratidza kuti hapana humbowo hwekuti pakaitwa huwori nevanhu vanomwe vakadomwa neAl Jazeera kuti vakabvuma kuti vari kuita huwori mukutengeswa kwegoridhe nekucheneswa kwemari dzakasviba kana kuti money laundering.
Mukuru weFinancial Intelligence Unit, VaOliver Chipesere, mumashoko kuvatori venhau vakabva vazivisa kuti midziyo yevanhu ava nemari dzavakange vanzi vamire kushandisa dziri mumabhanga vave kukwanisa kuzvishandisa.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvarwe Chenaimwoyo Mutambasere, vanoti danho reFIU iri rinoratidza kuti Zimbabwe ichiri kugamuchira huwori nehumbavha pachinzvimbo chekurwisana nazvo ichivaka nyika.
Izvi zvinotsinhirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandewere, avo vanoti FIU yakapedzera miseve kumakunguwo nekutsvaga huwori hwakavigwa kumabhanga iyo ichiziva zvayo kuti mari idzi dzakanga dzisiri kuchengeterwa kumabhanga.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari zvakare nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika dzepasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinoshamisa kuti mavhidhiyo e Al Jazeera akaburitsa pachena kuti mari dzose dzaiwanikwa muhuwori uhu dzakanga dzisiri kupinzwa mumabhanga, asi boka reFinancial Intelligence Unit rakaerefeta vanhu ava kuburikidza nepfuma dzavo dziri kumabhanga.
VaMandewere vanodzoka zvakare vachiti zvakaitwa nemutauriri weparamende zvekurambidza makomiti eparamende kuferefeta zvipomerwa izvi zvinoratidza kuti vanhu havana vanovamirira. Vanoti vamiriri vanosarudzwa nevanhu kuti vataura vakavamirira, asi kana vave kurambidzwa kutaura zvinenge zvave kureva kuti vanhu ndivo varambidzwa kutaura.
Asi gweta munyaya dzezvehupfumi vari nhengo yebato reZanu PF, Doctor Simba Mavaza, vanoti hapana chakakanganiswa neFIU pamwe neparamende, sezvo vakaferefeta vakaona kuti hapana mhosva yakaparwa apa.
VaMavaza vanoti izvi zvinoratidza kuti munyika munotevedzerwa mutemo.
FIU yakazivisa kuti yaishanda yakabatana nemapazi ehurumende anorwisana nedzimhosva, zvimwechetewo naVaMudenda, avo vakati havaiona chikonzero c hekuti paramende iferefete zvakare nyaya dziri kuferefetewa nemapurisa pamwe neZimbabwe Ant-Corruption Commission, ZACC.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapruisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi mutauriri weZimbabwe Anti-Corruption Commission, Amai Thandiwe Thando Mlobani, vaudza Studio 7 kuti vachiri kuferefeta nyaya iyi, uye havaburitsi zvavanenge vachiwana.
Vane mari nepfuma zvainge zvanzi vambimira kushandiswa vanosanganisira VaUerbert Angel, VaCleopas Chidodo vanoshanda neCivil Aviation Authority, VaDavid Chirozvi veimwe kambani yeRBZ inonzi Aurex, muzvinabhizimusi VaEwan MacMillan, naVaFrederick Kunaka, veimwe kambani yeRBZ, yeFidelity Printers.
Vamwe vakadomwa neAl Jazeera asi vasina kuferefetwa neRBZ vanosanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vemhuri yavo uye Muzvare Henrietta Rushwaya, mukuru weZimbabwe Mining Federation.
Asi mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vakati zviri kutaurwa neAl Jazera kutungana kwembudzi.
Kusvika hurumende yashinga kurwisana nehuwori, vakawanda munyika vanoti nyika icharamba ichirasikirwa nemari yakawanda kuburikidza nekubiwa kwezvicherwa zvichitengeswa kunze.
Your browser doesn’t support HTML5