Mumwe Mupurisa Otatarika Kuroverera VaSikhala naVaSithole neMhosva

Kutongwa kwenhengo mbiri dzeparamende dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala vanomirira Zengeza West naVaGodrey Sithole vanomirira Chitungwiza kwaenderera mberi nhasi mupurisa ari kuferefeta mhosva yavari kupomerwa achiti haana humwe humbowo panyaya iyi.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukurudzira vatsigiri vebato ravo kuti vaite zvemhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato ravo, Muzvare Moreleblessing Ali, gore rapera.

Vachibvunzurudzwa naVaHarrison Nkomo vanove gweta riri kumirira VaSikhala panyaya iyi, mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaEdmore Runganga, vaudza dare kuti havana humbowo hunoratidza kuti VaSikhala naVaSithole ndivo vakatakura vanhu nemotokari dzinonzi dzakashandiswa pakaitika mhirizhonga kuNyatsime mushure mekupambwa nekuzopondwa kwakaitwa Muzvare Ali.

Asi VaRunganga vati mapepa emhosva edzimwe nyaya dzavati dziri mumatare anoburitsa pachena kuti vaviri ava vakapara mhosva sezvo vachiti pane vhidhiyo ichazounzwa pamberi pedare inoratidza VaSikhala vachitaura zvakazokonzera kuti vatsigiri vebato ravo vakande zvigodho nematombo avanoti akakuvadza vamwe vanhu kuNyatsime vanosanganisira vatsigiri veZanu PF vavaramba kudoma mudare.

Izvi zvabva zvaita kuti VaNkomo vasvitse chikumbiro kudare chekuti VaRunganga vaunze mapepa aya kudare icho chatambirwa nedare asi VaRunganga pavauya nemapepa aya varamba kumasvitsa kudare vachiti zvinozovhiringidza kufambiswa kwenyaya idzi mumatare.

Vachibvunzurudzwa naVaOliver Marwa vanove gweta raVaSithole, VaRunganga vati VaSikhala chete ndivo vari kubuda pavhidhiyo vachiti VaSithole havamo muvhidhiyo ravari kushandisa kupomera vasungwa ava mhosva.

VaRunganga vatiwo hapana kana pavakambotaurwa nezvaVaSithole muvhidhiyo iyi.

Asi VaRunganga vati VaSithole ndivo vakatsvaga motokari dzekutakura vanhu vanonzi vakapesvsedzerwa naVaSikhala kuti vaite zvemhirozhonga nokudaro vakaona zvakakodzera kuti vavapomere mhosva imwechete vari vaviri vachiti kutakurwa kwavanoti kwakaitwa vatsigiri veCCC naVaSithole kunoratidza kuti vaviri ava vaiva nerimwechete.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare. VaBamu vati zviri pachena kuti mhosva iri kupomerwa vasungwa ava mubikirwa.

Mutongi wedare, Amai Tafadzwa Miti, vati nyaya iyi igodzoka kudare mangwana apo hurumende yakatarisirwa kushevedza mufakazi wayo wechipiri.

VaSikhala naVaSithole vakasungwa zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa Muzvare Ali nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi.

Vamwe vatsigiri veCCC gumi nevatanhatu vakasungwawo vachinzi ndivo vakapesvedzerwa kuita mhirizhonga panyaya iyi asi vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo.

VaSithole vakapihwawo mukana wekubhadhara mari yechibatiso panyaya iyi asi VaSikhala vakaenda kumatare kasingaperi vachinyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kubva gore rapera kusvika parizvino.

Bato reCCC rinoti nhengo dzaro idzi dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika. Asi gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakati munhu anomira nemhosva dzake mumatare pasingatariswe kuti munhu abuda mumba maani.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore