VaChamisa Vanoti Sarudzo dzeBato Dzapera Kunze kwemuHarare beBulawayo

Nelson Chamisa speaking to reporters outside Chikurubi Maximum Security Prison

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato ravo musarudzo dzemakanzuru, nematare eparamendze dzegore rino dzapera kunze kweHarare neBulawayo chete. Bato iri rakatanga kuita sarudzo musi wa 5 Kubvumbi.

Asi kusvika parizvino hapana chati chabuda. VaChamisa vaudza Studio 7 kuti havasi kuda kukurumidza kuzivisa vachakwikwidza sezvo vamwe vari kutyisidzirwa. Vati, “hatingafarise zvekutora bere toenda naro kunoriratidza danga rembudzi.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi

Asi vakawanda vanopikisa zviri kuitwa nebato iri vari kuti zviri kuratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Muzvare Fadzayi Mahere CCC

Zvichakadaro mutauriri webato rinopikisa Muzvare Fadzai Mahere vashora hutungamiri hwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti vari kutonga nedemo zvave kutodarika zvaiitwa namushakabvu Robert Mugabe.

Vati vanopikis vari kushungurudzwa nekusungwa. Vange vachitaura pamusangano weGeneva Summit for Human Rights kuSwitzerland. Vanorwira kodzero dzevanhu vakawanda vange vachichema kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka panyaya yekodzero dzevanhu.

VaPupurai Togarepi veZanu-PF

Vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vaudza Studio kuti VaMnangagwa vanoita zvehutongo hwejekerere. VaTogarepi vashorawo VaChamisa vachiti vari kutadza kuita sarudzo dzebato ravo ravanoti harina hutongo hwejekerere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi