Chibvumirano cheRunyararo Chakanyoreranwa neZvikwata Zviri kurwisana muSudan Chotarisirwa Kutanga neMuvhuro Manheru

Mauto ekuSudan

Chibvumirano chakanyoreranwa nezvikwata zviri kurwisana muhondo iri kuSudan zvemauto eSudan neveRapid Support Forces, chekumbomisa hondo kwesvondo rimwechete chiri kutanga neMuvhuro manheru nenguva dza 7:45pm nguva dzeku Khartoum.

America neSaudi Arabia dzinoti rwendo rwuno nyika idzi dzichaita zvese zvadzinogona kusimbisa chibvumirano ichi, icho chinonzi ndechekupa mukana wekuti vari kutambura uye vakatiza misha yavo nekuda kwehondo iyi vawane rubatsiro ,uye kuti mauto abve muzvipatara nedzimwe nzvimbo dzakakosha.

Zvimwe zvibvumirano zvakamboitwa hazvina kutevedzerwa nemapoka maviri aya, sezvo hondo yakaramba ichienderera mberi.

Gurukota rezvekunze kweAmerica VaAntony Blinken vakati pave kuda kuti patorwe matanho ekuti hondo iyi imiswe zvachose.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro cheTswaane University of Technology, muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti hondo iyi yakonzera kurasikirwa kwehupenyu nezvikwanisiro kwevazhinji, vachiti dai nyika dzekunze nemasangano akaita seUnited Nations neAfrican Union vapindira mukuedza kuyananisa mapoka aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Mukonza