Kunyangwe hazvo mapato ari kurwisana muSudan akanyorerana neMugovera chibvumirano chekumbomisa kurwisana kuitira kuti masangano anopa rubatsiro, zvikuru rwechikafu, akwanise kufamba munyika iyi achigovera rubatsiro, hondo inonzi ichiri kuenderera mberi.
Nhumwa dzinobva kumapoka maviri ari kurwisana anoti emauto enyika iyi nechikwata cheRapid Support Forces, dzakabvumirana pamusangano wakaitwa muSaudi Arabia svondo rapera kuti hondo imbomira kwevhiki rimwechete kutanga manheru eMuvhuro, asi chibvumirano ichi chinonzi chaatadza kuremekedzwa.
Saudi Arabia neAmerica dzakabatana mukuyedza kuyananisa mapato maviri aya.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane Univeristy Of Technology, muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti zvakakosha kuti dzimwe nyika dzakadayi seZimbabwe dzidzidze mashatiro akaita nyaya yehondo nemhiRIzhonga, kunyanya panguva ino apo nyika yatarisana nesarudzo gore rino.
"Zvakakosha kuti Zimbabwe iyo yakatarisana nesarudzo idzidze pamusoro pekukosha kwakaita runyararo uye vatungamiri ve mapato ese emunyika vanofanirwa kukurudzira runyararo urwu kuitira kuti pasave nemhirizhonga inokwanisa kuzokonzera hondo,"VaMukonza vaudza Studio 7.
Your browser doesn’t support HTML5