Apo Pasi Rose Rakacherechedza Zuva reObstetric Fistula Day, Madzimai Ane Dambudziko iri Anoti Ari Kurarama Hupenyu Hwakaoma

Musangano weObstetric Fistula muHarare.

Apo Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika neChipiri kucherechedza zuva rekupedza dambudziko rinosangana nemadzimai anenge akakuvara nhengo dzavo dzesikarudzi panguva yekusununguka zvinozokonzera kuti varase mvura netsvina chero nguva, reObstetric Fistula Day, madzimai ane dambudziko iri anoti ari kurarama hupenyu hwakawomarara.

Dambudziko iri, iro rinozivikanwa se obstetric fistula neChirungu, Rinonzi Rakanyanya kunyika dzakaita seZimbabwe, dzichiri kusimukira.

Vachitaura pamusangano wekudzidzisa vatori venhau pamusoro pedambudziko iri muHarare nezuro, chiremba uye vari mutevedzeri wemukuru wechikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kweruzhinji panyaya dzebonde (reproductive health) mubazi rezvehutano, Doctor Lucia Gondongwe, vakatsanangura kuti dambudziko iri chii, uye rinokonzerwa nei?

“Obstetric fiIstula iburi rinowanika panhengo inobuda nemwana, richisanganiswa nedzimwe nhengo dzakakomberedza nzvimbo inobuda nemwana. Saka panenge paita kukuvara kunoitika apo mudzimai ari kuzvara mwana wake, saka kukuvara kunoitika uku hunge mwana ari muhombe kana kuti mai vacho vari vadiki kana kuti mwana anonoka kubuda. Saka paanononoka kubuda panozopedzisira paita kakukuvara, poita kakuora, poita buri rinozoita kuti weti irambe ichibuda kana kuti tsvina irambe ichibuda.”

Vakaenderera mberi vachiti dambudziko iri rinonyanyira kumaruwa, kudarika mumadhorobha.

Musangano weObstetric Fistula muHarare

“Tiri kunyanya kuwana madzimai akakuvara kumaruzevha zvikonzero zviri zvakasiyana siyana, sekuti vamwewo havanyorese pamuviri pavo; vamwe havanawo kuenda kuchikoro, naizvozvo havazive zvazvakakoshera kunyoresa; uyewo vamwewo vanenge vachigara kure nezvipatara.”

Mumwe mudzimai, Amai Tendai Chimanya, veku Birchenough Bridge, avo vakararama nedambudziko iri kwemakore gumi nemaviri, vanoti kuita dambudziko iri kufuratirwa nevadzimu.

“Dambudziko iri kuti rizovapo, ndakaita mazuva maviri ndichirwadziwa ndava kuda kuzvara, ndisati ndaenda kuchipatara. Ndakazonoitwa operation asi ndaive ndatokuvara. Mwana akabuda akafa ini ndokusara nedambudziko. Ndaishaya mufaro nekuti ndaisakwanisa kuenda pane vamwe, kungava kurufu, kusvondo kana kunochera mvura pachibhorani nekuda kwehwemha hwandaibuditsa, hwuchikonzerwa neweti yaingoyerera.

“Ndaiti ndikasvika, vanhu votanga kundinongedzera vachinditaura. Mamwe mazuva ndaimbochema chaizvo, ndichiti Mwari vanditukirei. Murume wangu wekutanga akatondisiya nenyaya iyoyi, asi ndakazowana mumwe akandida ndakadaro.”

Amai Chimanya vakazorapwa pachena pasi pehurongwa hwehurumende, dambudziko richibva rapera. Asi havana kuzokwanisa kuita mumwe mwana.

Amai Tendai Chimanya vekuBirchnough Bridge

Ana chiremba vanokurudzira kuti kana mudzimai achinge aita dambudziko iri, aite makore maviri asina kuita pamuviri, uye atarisire kuzobatsirwa mwana nenzira yekuchekwa dumbu (operation), kana azofunga kuita mwana.

Mumwewo mudzimai akaita chirwere ichi, Muzvare Norah Bothman, vanoti nekutya kusekwa, madzimai mazhinji ari kutamburira mudzimba.

“Pada kumamisha zviri nani, asi kuno kumadhorobha kana vana vako vanenge vava kutosemwa, zvichinzi amai vako vanoita tsvina pese-pese. Ini chero shamwari dzangu ndakazodziudza nezvedambudziko rangu ndatopora, vakabatikana chose kuti sei ndisina kuvaudza nezvenyaya yakakosha kudai.

“Chiri kuita kuti vanhu vaite makore akawanda nechirwere ichi, ndiyo nyaya yekushaya zivo, asi vakawanda madzimai ane chirwere ichi, vari kuchivanza. Ini ndakazobatsirika ndaenda paFacebook, ndikaona zvakanyorwa paGroup rinonzi Pregnancy Women. Nekuti ndakabatsirika, ndava kutokusha shoko muvanhu pamusoro pedambudziko iri. Chero murume wangu anototaurawo nezvaro kubasa kwake.”

Hurumende yeZimbabwe iri kurapa dambudziko iri pachena muzvipatara zvinoti Morgenster neMashoko kuMasvingo, Chidamoyo, nekwaMutambara mudunhu reManicaland, pamwechete nepaChinhoyi Provincial Hospital.

Muzvare Norah Botman vemuHarare

Asi kurapwa uku kunoitwa kamwechete pamwedzi mitatu, kuchitarisirwa kurapwa vanhu vanosvika zana nemakumi masere.

Asiwo kuti munhu arapwe nenyanzvi dzinoshanda dzakazvimirira, kana asiri kumirira hurongwa hwemahara hwehurumende, anogona kubhadhara mari yekuAmerica iri pakati pemadhora zviuru zviviri kusvika pamadhora zviuru zvishanu.

Mupepeti webepanhau rezvehutano, reHealth Times, Michael Gwarisa, aive pamusangano wanezuro, anoti vatori venhau vane basa guru rekupa veruzhinji dzidziso pamusoro pedambudziko re obstetric fistula.

“Ibasa redu kuti tishambadze kuti vane dambudziko iri vangabatsirwa kupi. Zvakakoshawo kuti tizivise ruzhinji kuti kuita dambudziko iri hakusi kuguma kwehupenyu, asi anogona kuwana rubatsiro. Tinoona kuti vanhu vakawanda vanosangana nedambudziko iri vanosangana nekushorwa kwakanyanya munharaunda dzavanogara.”

Vamwe chiremba, uye vari nyanzvi inobatsira madzimai ane chirwere ichi, vachishanda mubazi rezvehutano, Doctor Mervyn Venge, vanoti pane zvizhinji zvinogona kuitwa kupedza dambudziko iri.

“Mukuedza kugadzirisa dambudziko iri, tinofanira kuwedzera ana mazvikokota; kuwedzera zvipatara kuita kuti zvinge zviri padhuze nevanhu; kudzidzisa vagari vemunharaunda kuti vanyorese pamiviri, uye vazvarire muzvipatara. Zvakakoshawo kuti tirege kubata vana tichivaita madzimai.”

Mudzimai akarapwa Obstretic Fistula

Kunyange bazi rezvehutano risina kukwanisa kudoma vanhu vanogona kunge vaine dambudziko iri munyika sezvo pasati pamboitwa wongororo iyi, vanhu varapwa pachena nehurumende kubva mugore ra2015 vanonzi vanoraudzira mazana mapfumbamwe.

Bazi iri rinofungidzirawo kuti madzimai akawanda anogona kunge aine dambudziko iri, asi vasingabudi pachena nekuda kwekushaya zivo pamusoro pacho.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vane dambudziko iri pasi rese vangangosvika mamiriyoni maviri.

Sangano reUnited Nations rinoti pane hurongwa hweupedza dambudziko iri panosvika gore ra 2030, uho hwave nemakore makumi maviri hwapaprurwa, uye rinokurudzira kuti pasungwe dzisimbe kuitira kuzadzisa shuviro iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa