ZEC Inozivisa Nezve Mazuva eKuti Vanhu Vaone Kana Mazita Avo Ari muGwaro reVavhoti, Voters' Roll

ZEC yazivisa nzvimbo dzekuti vanhu vatarise mazita avo muVoters Roll.

Komisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa kuti veruzhinji vachange vachizotanga kutarisa kuti mazita avo ari mugwaro revavhoti here, kana kuti Voters’ Roll, kana kuti kwete, uye kuti akanyorwa nemazvo here, kubva neMugovera svondo rino.

Muchiziviso chaburitswa nekomisheni iyi, veruzhinji vanonzi vane mukana wekutarisa kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti kwemazuva mashanu chete kubva neMugovera 27 Chivabvu kusika neChitatu 31 Chibvabvu kubva nenguva dza 7 mangwanani kusvika nenguva dza 5 manheru munzvimbo dzavachazenge vachivhotera.

ZEC inotiwo veruzhinji vanokwanisa kudzvanya nhamba dzinoti *265# panharembozha dzavo voisa nhamba dzavo dzechitupa nemazita avo kuti vakwanise kuona kuti mazita avo arimo here mugwaro iri kana kuti kwete.

Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba naVaUtoile Silaigwana.

Mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, vati titaure nevanoona nezvekuburitswa kwemashoko mukomisheni yavo, VaJustin Manyau. Asi VaManyau vanga vasati vadzoka kwatiri nemhinduro pamibvunzo yatavatumira.

Mumwe akanyoresa kuvhota, VaMunyaradzi Ngandini, vati zvakakosha kuti veruzhinji vatarise mazita avo kuti vasazowanikwa vasiri mugwaro revavhoti musi uchazovhotwa.

Mapato ezvematongerwo enyika ari kukurudzirawo vatsigiri vawo kuti vatarise mazita avo pachatanga chirongwa ichiti, achiti ndizvo zvinoita kuti agopinda mumasimba kana veruzhinji vakavhota nehuwangu hwavo.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vagadzirira sarudzo zvakakwana nokudaro vanokurudzira nhengo dzavo kuti dzinotarisa mazita adzo mugwaro revavhoti iri.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato reCitizens Coalition for Change, VaIan Makone, vati vari kushushikana zvikuru kuti havasati vapihwa gwaro revavhoti neZEC rayakashandisa pakutara miganhu yesarudzo . Zvisinei, VaMakone vakurudzira kuti veruzhinji pamwe nevatsigiri vebato ravo vabude nehuwandu hwavo kuti vanonyoresa kuvhota.

VaPrince Dubeko Sibanda, VaOstallos Gift Siziba naVaIan Makone veCCC.

Asi mutauriri webato reMDCT, VaWitness Dube, vati ZEC yakurumidza kumedza kutsenga kuchada sezvo nyaya yemiganhu ichashandiswa musarudzo dziri kuuya iri nyaya ichiri mumatare edzimhosva. Mutungamiri weMDCT VaDouglas Mwonzora vakakwidza nyaya yemiganhu iyi kumatare vachiti gwaro rekutara miganhu yesarudzo harina kuitwa zvakanaka.

VaMugwadi vati seZanu PF havaneyi nenyaya dziri kumatare dzine chekuita nemiganhu iyi vachiti ziso ravo riri pasarudzo chete.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati chirongwa cheZEC ichi chinoita sekuti pane zviri kuvanzwa kumapato anopikisa.

Veruzhinji vachine mukana wekunyoreswa sevavhoti musarudzo dziri kuuya asi vane mazuva maviri chete kubva musi uchatarwa zuva resarudzo nemutungamiri wenyika kuti vanyorese sevavhoti.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati sarudzo dzichaitwa muna Nyamavhuvhu uye vakati vachazivisa zuva racho munguva pfupi iri kutevera.

Vanopikisa pamwe nevemamwe masangano akazvimirira vaida kuti ZEC iwanise vanoda gwaro revavhoti repadandemutande vose, asi ZEC yakaramba izvi ichiti zvaizokonzera kuti vanoita zvemisikanzwa vakanganise gwaro iri.

Izvi zvakatsigirwawo nedare reHigh Court pamutongo warakapa apo rakarasa nyaya yakanga yakwidzwa kudare nenhengo yebato re CCC Va Allan Markham, avo vaida kuti dare rimanikidze ZEC kuwanisa gwaro iri riri pamadandemutande.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Frank Chikowore