Mapurisa ekuNyanya anonzi arambidza neChishanu mutungamiri webato reMDC, VaDouglas Mwonzora, kuita musangano nevatsigiri vavo mudunhu iri neMugovera achiti musangano uyu ungangovhiringidza chirongwa chekuongororwa kwemazita everuzhinji mugwaro revavhoti, icho chakatarisirwa kutanga Mugovera wakare.
Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kuparura hurongwa hwekuti veruzhinji vatarise kuti mazita avo arimo here kana kuti kwete mugwaro revavhoti kuitira kuti vagokwanisa kuzovhota musarudzo dziri kuuya.
Hurongwa uhwu hwakatarisirwa kutanga mangwana Chivabvu 27 huchizopera musi weChitatu Chivabvu 31.
Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vati vamboedza kuti vabvumidzwe kuita musangano uyu pane imwe nzvimbo isiriyo yavanga vachida kuitira musangano uyu asi vati izvi zvarambwa nemapurisa pamwechete neZanu PF.
“Mangwana tanga tichifanira kunge tiine musangano wedu kuNyanga asi tabva tarambidzwa nemapurisa nevanhu veZanu PF vati izvo ivo veZEC vane awareness program yavari kuita.
"Asi awareness program yacho havasi kuitira panzvimbo yatanga tichida kuti tiitire kana kuti munharaunda yatanga tichida kuti tiitire musangano wedu; vatori rimwe divi reNyanga, asi vanhu veZanu PF nemapurisa vabva vatirambidza kuti hazviite kuti imimi munge muchiita musangano wenyu muNyanga kana nepapi zvapo hapasi kutombobvumidzwa, tabva tanzi hakuendwe zvachose.”
Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo haripindire mumashandiro emapurisa.
“Hatidi vanhu vanotsvaga uta nemugate. VaMwonzora vane vatsigiri vanowanikwa kuNyanga vane mutupo wekuti ani? Kana munhu asina rutsigiro haisi mhosva yemusangano weZanu PF imhosva yake. Kana munhu akadana musangano wake vanhu vakasauya ko anogoti Zanu PF yamutadzisa sei? Handiti ndiye anenge adana musangano wake here?”
Mapurisa ekunyanga ati titaure nemutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vatakundikana kubata panharembozha yavo.
VaDamba vaenderera mberi vachiti kurambidzwa kwavaitwa kuita musangano wavo kunoratidza kuti munyika hamusati mave nehutongi hwejekerere.
“Saka isu tiri kuti nyika ino haisati yasununguka kana MDC ichirambidzwa kuita musangano zviri mubumbiro remitemo yenyika kuti tinobvumidzwa kuita misangano nekuti hatisi kuda kuita mhirizhonga pane zvatiri kuda kuti tiite. Tanga tichida kuti tisangane nevatsigiri vedu muNyanga saka tinoda kuti tirambe takataurira vagari vedu vekuNyanga vanga vakatimirira kuti ayewa chiregai kuora mwoyo; ticharamba tichitsvaga mvumo kumapurisa, ticharamba richrwisa kuti tisangane nemi.”
Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati kurambidzwa rambidzwa kuri kuitwa misangano yemapato anopikisa kunoratidza kuti mapurisa ane rimwechete nebato reZanu PF. VaMukundu vati zviri kuitika izvi zvinosvibisa sarudzo dziri kuuya.
“Kuita kwaipa uku kucharamba kuchienderera mberi kusvika tasvika musarudzo. Ndizvo zvimwe zvinokanganisa kuitwa kwesarudzo zviri pachena kana kuti zvejekerere zvinoratidza kuti mapurisa anenge aine rimwe neZanu PF mukudzvanyirira mapato anopikisa. Zvinonyanyorwadza kuti VaMwonzora pese apa vaiita semunhu ane rimwechete naVaMnangagwa asi vave kuonawo kuipa kwakuita mapurisa kana vachinge vashandiswa vapedza kushandiswa mapurisa ave kuvarambidza kuita basa ravo rekuti vange vatsvaga rutsigiro.”
Bato reCitizens Coalition for Change rinogara rakarambidzwawo nemapurisa kuita misangano yaro mumatunhu akawanda, uye kuvhiringidzirwa musangano kana kuroverwa nhengo dzaro nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.
Vamwe vanonzi vatsigiri veZanu PF vakabudawo pavhidhiyo yakatenderera pamadandemutande akawanda nguva shoma yadarika vachikurudzira kuti mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vaurayiwe asi zvinonzi kusvika pari zvino hapana ati asungwa nenyaya iyi.
Zimbabwe yakatarisana nesarudzo gore rino idzo dzakatarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu muzuva risati ratarwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Kana VaMnangagwa vatara zuva iri, veruzhinji vane mazuva maviri chete kubva musi uchatarwa zuva iri kuti vanyorese sevavhoti kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo idzi.