Nyanduri, Victor Zivanai, Oparura Dambarefu reNhetembo dzeDzidziso neKutsiudza

Nyanduri Victor Zivanai

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tine hurukuro nanyanduri achiri kusimukira, Victor Zivanai, uyo anosanganisa nhetembo dzake nemagitare.

Zivanai anoti zvinyorwa zvake nenhetembo zvave kutsikiswa zvimwe zvichishandiswawo muzvikoro nevadzidzi vemagwaro efomu yechina, ye form 4.

Victor anoti chero zvake akazotanga kuzivikanwa sanyanduri ave kuchikoro chepamusorosoro cheUniversity of Zimbabwe, akatanga kunyora nekudetemba achiri kuchikoro cheChindunduma High kwaakaita zvidzidzo zvake zvefomu yechitanhatu.

Imwe nhetembo yake iri kupisa mazuva ano inonzi “Mjolo The Pandemic" iyo yaanoti akaita nemumwe wake, Tanaka Mungwariri, kubva padambarefu rake rinonzi “SOLILOKO- MJOLO THE PANDEMIC” Nhetembo dzake, anoti dzinowanikwa paYou Tube nepaFacebook uye anobatika paWhatsapp panhamba dzinoti +263 716 0009.

Your browser doesn’t support HTML5

Vhidhiyo Yekuona- Victor Zivanai

Victor anotiwo anotenda vatsigiri vake zvikuru nerutsigiro rwavo uye anoti zvinomupa manyawi ekuramba achitsikisa dzimwe nhetembo nekushanda nevamwe vananyanduri.

Studio 7 inokupai chirongwa chemagitare, cheWoza Friday, nemusi weChishanu chesvondo rega rega.

Kune vaimbi navananyanduri vanoda kupinda muchirongwa chino, vanotibata pa whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Victor Zivanai