Veruzhinji nhasi vatanga kutarisa kuona kana mazita avo ari mugwaro revavhoti pamberi pesarudzo dzegore rino, komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, ichitadza kuisa zvikwansiro munzvimbo dzakawanda zvekuti chirongwa chayo chekutariswa kwemazita ichi chifambe zvakanaka.
Chirongwa cheZEC chekuti veruzhinji vatarise kana mazita avo ari mugwaro revavhoti ichi chatanga vanhu vashomanana munyika yose vachibuda kuenda kunotarisa mazita avo munzvimbo dzakaziviswa nekomisheni inoona nezvesarudzo munyika iyi.
Vamwe ndivo vanga vachitarisa mazita avo panharembozha dzavo.
Pachikoro cheMhofu Primary School chiri mumusha weHighfields muHarare panga pane vanhu vanomwe chete vanga vatarisa mazita avo zuva pararova nhongonya, uye ongororo yaitwa neStudio 7 munzvimbo dziri kutariswa mazita magwaro iri yaburitsa pachena kuti vanhu vanga vachitarisa mazita avo vanga vari vashomanana.
Dzimwe nzvimbo dzakawanda munyika dzinosanganisira Bulawayo neNkayi dzinonzi dzakanga dzakavhurwa asi pasina chiri kuitika sezvo dzanga dzisina zvikwanisiro.
Ongororo yaitwa neStudio 7 muBulawayo inoratidza kuti mazana evanhu vanga vachida kuona kana mazita avo arimo magwaro revavhoti vakundikana kuita izvi mushure mekuudzwa kuti zvikwanisiro zvinosanganisira gwaro racho, michina yekushandisa pamwe nemakombiyuta zvanga zvisati zvasvika kuti basa ritange.
Mune dzimwe nzvimbo zvinonzi mahofisi azovhura nguva dzanga dzakatarwa kuti dzichavhurwa dzatodarika kare sezvo vashandi veZEC vanga vasati vasvika panzvimbo idzi, kana kuti vamwe vavo vanga vasina zvekushandisa zvakakwana.
Mumwe wevatarisa mazita avo mugwaro revavhoti, Amai Linda Chekeche, vati vaita mufambanyore sezvo vanhu vanga vari vashoma uye magwaro anga achidiwa vanga vainawo ose.
Mumwe atarisawo zita rake mugwaro iri, VaAndrew Kudzaishe Dangare, vati vakachinja chitupa asi vawana chitupa ichi chisina kuchinjwa mugwaro revavhoti.
VaDangare vakurudzira vamwe vachigere mudzimba kuti vabude nehuwandu hwavo kuti vanotarisa mazita avo mugwaro revavhoti kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dziri kuuya vachiti hapana inofurira irere.
Kunonoka kuvhurwa kwenzvimbo dzekutarisira mazita pamwe nekushaikwa kwegwaro revavhoti nekusashanda zvakanaka kwemichina yeZEC zvinonzi zvazokonzera kuti mukuru anoona nezvesarudzo mukomisheni iyi VaUtoile Silaigwana, vaburitse gwaro kuvatori venhau vachiti komisheni yavo ingangowedzera mazuva ekuti veruzhinji vatarise mazita avo mugwaro revavhoti.
Studio 7 yaedza kubata VaSilaigwana kuti tinzwe zvizhinji asi vati titaure nemutaruriri wekomisheni yavo, VaJustin Manyau, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Zvichakadai, vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaIan Makone, vakurudzira veruzhinji kuti vabude nehuwandu hwavo vanotarisa kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti iri vachiti chinhu chakakosha zvikuru kuti munhu wese awone kuti zita rake ririmo here mugwaro iri uye kana risimo owana mukana wekuzvigadzirisa.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa kanawo mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi kuti tinzwe divi ravo, asi imwe nhengo yeZanu PF kuMashonaland West, VaMunyaradzi Ngandini, vati vanotambira nemufaro chirongwa ichi uye nhengo dzavo dzichabuda nehuwandu kunotarisa mazita adzo.
Pakutarisa kuti mazita arimo here mugwaro revavhioti iri, ZEC iri kukurudzira kuti veruzhinji vatakure zvitupa zverata, zvepurasitiki kana zvebepa zvine mifanananidzo yavo kana mapasipoti.
ZEC yakaronga kuti veruzhinji vange vachitarisa mazita avo mugwaro revavhoti kubva nhasi kusvika neChitatu Chivabvu 31 asi mazuva aya angangowedzerwa sekutaura kwwaita ZEC.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatarisiwa kutara zuva richaitwa sarudzo nemusi weMuvhuro sekutaura kwavaita neMugovera.
Kana zuva iri richinge ratarwa, veruzhinji vane mazuva maviri chete anenge asara kuti vanyorese sevavhoti kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rino.
Your browser doesn’t support HTML5