VaBiden Votungamira Hurongwa hweNyika Yavo hweKurangarira Magamba

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vatungamira hurongwa hwenyika yavo hwekurangarira zuva remagamba kana kuti Memorial Day.

VaBiden vaisa maruva pane imwe nzvimbo inovigwa magamba muWashington DC yeArlington National Cemetery. Vatenda vakazvipira kurwira nekufira nyika yeAmerica ava. Vange vaine mudzimai wavo amai Jill Biden uye mutevedzeri wavo amai Kamala Harris nemurume wavo VaDouglas Emhoff. Nhasi ndekezana nemakumi mashanu nemashanu kana kuti 155 zuva iri richicherechedzwa.

Pazuva ranhasi vakarwa muhondo dzeAmerica nedzimwe nyika dzakaita seWorld War 1, World War 2, Iraq war nedzimwe vanoremekedzwa vachiitirwa mabiko. Vakafa vanoisirwa maruva pamarinda avo senzira yerucherechedza nekuremekedza basa guru ravakaita.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuFort Wayne kuIndiana muzvare Barbra Ngwenya avo vanoshanda nevarwi vehondo pasi pesangano re State Ff Indiana vanoti dambudziko guru ririkusangana nevanenge vadzoka kuhondo ndere kukanganisika pfungwa kana kuti trauma zvinozoita kuti vamwe vade kuzviuraya.

"Ndino shanda nevarwi vehondo vazhinji zuva ne zuva avo asi nhasi ndiri zuva rakakosha sezvo vachirangarirwa nekupihwa ruremekedo nemabasa avakabata. Vazhinji vavo vanosangana nezvinhu zvizhinji muhondo zvinokwanisa kuvakanganisa pfungwa zvekuti tinogara taura nekuteerera nhuna dzavo kuitira kuti pfungwa dzavo dzigadzikane," Muzvare Ngwenya vaudza Studio7.

"Zuva ranhasi kuno kune mabiko ekuendesa maruva kumarinda evakafa muhondo uye mhuri zhinji dzinotora mukana wezororo ranhasi kuti vayanane nevamwe vachicherechedza vakatisa," Muzvare Ngwenya vaenderera mberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Barbra Ngwenya